Mapisarema 146

1 Rumbidza Jehovha. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.

2 Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

3 Regai kuvimba namachinda, navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.

4 Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu; pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.

5 Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho, tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,

6 Muiti wedenga nenyika, gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha, anogara akatendeka nokusingaperi.

7 Anotsigira mhaka yavakadzvinyirirwa, uye anopa zvokudya vane nzara. Jehovha anosunungura vasungwa.

8 Jehovha anosvinudza mapofu, Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi, Jehovha anoda vakarurama.

9 Jehovha anorinda vatorwa uye anotsigira nherera nechirikadzi, asi anokonesa nzira dzavakaipa.

10 Jehovha anotonga nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kumarudzi namarudzi. Rumbidza Jehovha.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

sixteen + eighteen =