Mapisarema 147

1 Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!

2 Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.

3 Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo.

4 Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo.

5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi.

6 Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa.

7 Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

8 Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo.

9 Anopa mombe zvokudya navana vamakunguwo pavanochema.

10 Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;

11 Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

12 Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,

13 nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

14 Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

15 Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo.

16 Anowarira chando samakushe, uye anoparadzira chando samadota.

17 Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova?

18 Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

19 Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.

20 Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

thirteen − 3 =