Mapisarema 19

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake.

2 Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo.

3 Hakuna mutauro kana rurimi kusinganzwiki inzwi ravo.

4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,

5 rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.

6 Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.

7 Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.

8 Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso.

9 Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.

10 Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.

11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru.

12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.

13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru.

14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twelve − twelve =