Mapisarema 20

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa.Sera

4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana!

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

1 × 5 =