Mapisarema 23

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.

2 Anondivatisa pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,

3 anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake.

4 Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.

5 Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.

6 Zvirokwazvo unyoro hwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twelve − seven =