Mapisarema 24

Pisarema raDhavhidhi.

1 Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;

2 nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

3 Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

4 Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.

5 Iye achagamuchira mukomborero unobva kuna Jehovha nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

6 Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka, ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho.Sera

7 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; musimudzwe, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.

8 Ndianiko uyu Mambo wokubwinya? Ndiye Jehovha ane simba noumhare, Jehovha ane simba pakurwa.

9 Simudzai misoro yenyu, imi masuo; muasimudze, imi makonhi akare, kuti Mambo wokubwinya apinde.

10 Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya? Jehovha Wamasimba Ose, ndiye Mambo wokubwinya.Sera

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

eighteen − fifteen =