Mapisarema 26

Pisarema raDhavhidhi.

1 Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.

2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;

3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.

4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;

5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.

6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,

7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, nokureva zvamabasa enyu ose anoshamisa.

8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.

9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,

10 vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.

11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.

12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

19 − 14 =