Mapisarema 25

Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;

2 haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi. Musandirega ndichinyadziswa, uye musarega vavengi vangu vachindikunda.

3 Hapana munhu ane tariro mamuri achanyadziswa, asi vachanyadziswa avo vanonyengera pasina chikonzero.

4 Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha, ndidzidzisei nzira dzenyu;

5 nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa, nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu, uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.

6 Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.

7 Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha.

8 Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.

9 Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.

10 Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.

11 Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.

12 Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.

13 Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.

14 Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.

15 Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.

16 Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.

17 Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.

18 Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.

19 Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!

20 Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.

21 Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.

22 Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

two × five =