Mapisarema 4

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu akarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?Sera

3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare.Sera

5 Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7 Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8 Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

12 − twelve =