Mapisarema 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!

2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.”Sera

3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.Sera

5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6 Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.

7 Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.

8 Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu.Sera

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

3 × 1 =