Mapisarema 46

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

1 Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

2 Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3 kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro.Sera

4 Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yoWokumusoro-soro.

5 Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6 Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

8 Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.

9 Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.

10 “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”

11 Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu.Sera

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

19 − six =