Mapisarema 47

Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1 Uchirai maoko, imi vanhu vose; pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2 Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei, iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3 Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu, marudzi pasi petsoka dzedu.

4 Akatitsaurira nhaka yedu, iyo pfuma yaJakobho, waakada.Sera

5 Mwari akakwira pakati pokudanidzira kwomufaro, Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6 Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo. Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7 Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose; muimbirei pisarema rokurumbidza.

8 Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose; Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9 Makurukota amarudzi aungana savanhu vaMwari waAbhurahama, nokuti madzimambo enyika ndeaMwari; iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

eight + 10 =