Mapisarema 48

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1 Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2 Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.

3 Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4 Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5 vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.

6 Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sokwomukadzi wosununguka.

7 Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8 Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi.Sera

9 Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

10 Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11 Gomo reZioni rinofara, misha yeJudha inofarisisa nokuda kwokutonga kwenyu.

12 Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro,

13 fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kurudzi runotevera.

14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

seventeen − five =