Mapisarema 8

Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.

2 Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3 Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4 munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5 Makamuita muduku zvishoma pazvisikwa zvokudenga, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7 makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,

8 neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

5 × 3 =