Mapisarema 9

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa Kwomwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2 Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3 Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4 Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5 Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.

6 Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7 Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8 Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.

9 Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10 Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11 Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12 Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13 Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14 kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, apo pandichafara muruponeso rwenyu.

15 Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16 Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo.

Higayoni Sera

17 Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18 Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19 Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

20 Varovei nokutyisa imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo.Sera

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

3 × two =