Numeri 1

Kuverengwa kwaVanhu

1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,

2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.

3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.

4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake.

5 Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;

6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;

7 kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;

8 kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;

9 kubva kwaZebhuruni, Eriabhu mwanakomana waHeroni;

10 kubva kuvanakomana vaJosefa:

kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;

kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;

11 kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;

12 kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;

13 kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;

14 kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;

15 kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”

16 Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, ivo vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.

17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,

18 vakaunganidza ungano yose pamwe chete nezuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,

19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:

20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.

21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitatu, namazana mashanu.

22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

27 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.

28 Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo.

29 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.

30 Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

31 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

32 Kubva kuvanakomana vaJosefa:

Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

33 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

34 Kubva kuzvizvarwa zvaManase:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

35 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

36 Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba uye zvemhuri dzavo.

37 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

38 Kubva kuzvizvarwa zvaDhani:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo.

39 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

40 Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.

41 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.

42 Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

43 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

44 Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake.

45 VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo.

46 Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu anamakumi mashanu.

47 Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe.

48 Jehovha akanga ati kuna Mozisi:

49 “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri.

50 Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo.

51 Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.

52 VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake.

53 Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”

54 VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

one + 4 =