Numeri 2

Urongwa hweMisasa yaMarudzi

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:

2 “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.”

3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi.

4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.

5 Rudzi rwaIsakari ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vaIsakari ndiNetaneri mwanakomana waZuari.

6 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.

7 Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni.

8 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

9 Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka.

10 Kurutivi rwezasi kuchava namapoka emisasa yaRubheni ichange iri pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaRubheni ndiErizuri mwanakomana waShedheuri.

11 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.

12 Rudzi rwaSimeoni ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni ndiSharumiri mwanakomana waZurishadhai.

13 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

14 Rudzi rwaGadhi ndirwo ruchatevera. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye mutungamiri wavanhu vokwaGadhi.

15 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

16 Varume vose vakadanwa kumusasa waRubheni maererano namapoka avo, vaisvika zviuru zana namakumi mashanu nerimwe chete, namazana mana namakumi mashanu. Ndivo vachava vechipiri pakusimuka.

17 Ipapo Tende Rokusangana nomusasa wavaRevhi zvichasimuka pakati pemisasa. Vachasimuka zvimwe chetezvo zvavanoita pakumisa misasa, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pasi pomureza wake.

18 Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi.

19 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

20 Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

21 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

22 Rudzi rwaBhenjamini ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini ndiAbhidhani mwanakomana waGidheoni.

23 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

24 Varume vose vakadanwa kumusasa waEfuremu, maererano namapoka avo, vanosvika zviuru zana nezvisere, nezana rimwe chete. Vachava vechitatu pakusimuka.

25 Nechokumusoro kuchava namapoka emisasa yaDhani, pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaDhani ndiAbhiezeri mwanakomana waAmishadhai.

26 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

27 Rudzi rwaAsheri ruchadzika misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaAsheri ndiPagieri mwanakomana waOkerani.

28 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete namazana mashanu.

29 Rudzi rwaNafutari ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaNefutari ndiAhira mwanakomana waEnoni.

30 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

31 Varume vose vakadanwa kumusasa waDhani vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvinomwe, namazana matanhatu. Ndivo vachava vokupedzisira pakusimuka, vari pasi pemireza yavo.

32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakanga vari mumisasa, namapoka avo vanosvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.

33 Kunyange zvakadaro, vaRevhi havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naJehovha.

34 Saizvozvo vaIsraeri vakaita zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; ndiyo nzira yavakamisa nayo misasa yavo pasi pemireza yavo, uye ndiyo nzira yavakasimuka nayo, mumwe nomumwe neimba yake nemhuri yake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

two × 4 =