VaRoma 8

Upenyu muMweya

1 Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,

2 nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.

3 Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi,

4 kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.

5 Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.

6 Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;

7 nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita.

8 Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.

9 Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,

10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama.

11 Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri.

12 Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda.

13 Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama,

14 nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.

15 Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”

16 Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.

17 Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.

Kubwinya kwatichazova nako

18 Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.

19 Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

20 Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro

21 yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.

22 Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino.

23 Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.

24 Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare?

25 Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.

26 Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.

27 Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.

Vakundi nokupfuurisa

28 Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.

29 Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.

30 Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakashayirawo mhosva; vaya vaakashayira mhosva, ndivo vaakakudzawo.

31 Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?

32 Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?

33 Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoshayira mhosva.

34 Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo.

35 Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?

36 Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose;

tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.”

37 Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.

38 Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,

39 kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

2 × five =