Kuvandudzwa kweSungano 1 Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhu. 2 Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose. 3 Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso […]
Monthly Archives: August 2017
Dhuteronomi 30
Kubudirira mushure mokudzokera kuna Jehovha 1 Kana kuropafadzwa nokutukwa uku kwose kwandaisa pamberi penyu kwakuwirai uye mazviisa pamwoyo kwose kwamunoparadzirwa naJehovha Mwari wenyu pakati pendudzi, 2 uye kana iwe navana vako ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako ukamutereera nomwoyo wako wose nomweya wako wose maererano nezvose zvandakurayirai nhasi, 3 ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu […]
Dhuteronomi 31
Joshua anotevera Mozisi pakutungamirira 1 Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti: 2 “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’ 3 Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari […]
Dhuteronomi 32
1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu. 2 Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro. 3 Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu! 4 Iye ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama […]
Dhuteronomi 33
Mozisi Anoropafadza Marudzi 1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa. 2 Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake. 3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri […]
Dhuteronomi 34
Kufa kwaMozisi 1 Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani. 2 Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira, 3 Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari. 4 Ipapo Jehovha akati kwaari, […]
Numeri 1
Kuverengwa kwaVanhu 1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, 2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. 3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri […]
Numeri 2
Urongwa hweMisasa yaMarudzi 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: 2 “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.” 3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi. 4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi […]
Numeri 3
VaRevhi 1 Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai. 2 Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari. 3 Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista. 4 Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi […]
Numeri 4
VaKohati 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: 2 “Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo. 3 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana. 4 “Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvenetsvene. 5 Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake […]