Mapisarema 7

Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBenjamini.

1 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndipone uye mundirwire pana vose vanondidzinganisa,

2 kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva.

6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7 Ndudzi dzakaungana ngadziungane dzakakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;

8 Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, Zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9 Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11 Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12 Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake nokuhugadzira.

13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14 Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15 Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha woWokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

10 + 4 =