Joshua 23

Joshua anoonekana naVatungamiri 1 Zvino mazuva mazhinji akati apfuura uye Jehovha akanga azorodza vaIsraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, Joshua akanga akwegura kwazvo ava namakore mazhinji panguva iyoyo. 2 Akadana vaIsraeri vose, vakuru vavo, navatungamiri vavo, vatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura uye ndava namakore mazhinji. 3 Imi pachenyu makaona zvose zvakaitwa naJehovha Mwari […]

Joshua 24

Sungano inovandudzwa paShekemu 1 Ipapo Joshua akaunganidza marudzi ose aIsraeri paShekemu. Akadana vakuru vavaIsraeri, vatungamiri, vatongi, navatariri vavo vakazviisa pamberi paMwari. 2 Joshua akati kuvanhu vose, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kare madzitateguru enyu pamwe chete naTera, baba vaAbhurahama naNahori, vaigara mhiri kwoRwizi vachishumira vamwe vamwari. 3 Asi ndakatora baba wenyu Abhurahama kubva kunyika iri mhiri […]

Dhuteronomi 1

VaIsraeri van orayirwa kuti vabve paHorebhu 1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi. 2 (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.) 3 Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha […]

Dhuteronomi 2

Kudzungaira muRenje 1 Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri. 2 Ipapo Jehovha akati kwandiri, 3 “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro. 4 Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau, vagere […]

Dhuteronomi 3

Kukundwa kwaOgi mambo weBashani 1 Mushure maizvozvo takadzoka tikakwira nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei. 2 Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.” 3 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo […]

Dhuteronomi 4

Mozisi anovarayira kuti vateerere 1 Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 2 Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai. 3 Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati […]

Dhuteronomi 5

Mirayiro Gumi 1 Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati, “Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muitevere 2 Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhu. 3 Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano. 4 Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo. 5 […]

Dhuteronomi 6

Ida Jehovha Mwari wako 1 Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, 2 kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. 3 Chinzwa, iwe Israeri, […]

Dhuteronomi 7

Kudzinga Ndudzi 1 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, 2 uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanirwa kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi. 3 […]

Dhuteronomi 8

Usakanganwa Jehovha 1 Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama mugowanda uye mugopinda nokutora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko. 2 Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai nokukuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. […]