Yambiro inobva paNhoroondo yavaIsraeri 1 Nokuti hama, dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa. 2 Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa. 3 Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya 4 uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye […]
Author Archives: admin
1 VaKorinde 11
1 Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu. Zvinofanira kuitwa paKunamata 2 Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai. 3 Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari. 4 Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake. 5 Uye mukadzi […]
1 VaKorinde 12
Zvipo zvoMweya 1 Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. 2 Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. 3 Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. 4 Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya […]
1 VaKorinde 13
Rudo Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose. 1 Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi kana ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere. 2 Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handizi chinhu. 3 Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana […]
1 VaKorinde 14
Zvipo zvoKuprofita noKutaura neNdimi 1 Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita. 2 Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake. 3 Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe. 4 Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa […]
1 VaKorinde 15
Kumuka kwaKristu 1 Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. 2 Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. 3 Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, 4 kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, 5 uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere […]
1 VaKorinde 16
Zvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari 1 Zvino pamusoro pezvipo zvakaunganidzirwa vanhu vaMwari: Itaiwo sezvandakarayira kereke dzavaGaratia kuti dziite. 2 Nomusi wokutanga wevhiki roga roga, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure mari kubva pamari yake zvichienderana napaanowana napo, muiunganidze pamwe chete, kuitira kuti pandinouya kurege kuzounganidzwa zvipo. 3 Zvino, kana ndasvika, ndichazopa matsamba okuzivisa kuvarume vamunenge masarudza uye ndichavatuma […]
VaRoma 1
1 Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari, 2 vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene 3 pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi, 4 uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu. 5 Kubudikidza […]
VaRoma 2
Kutonga kwaMwari kwakarurama 1 Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. 2 Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. 3 Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka […]
VaRoma 3
Kutendeka kwaMwari 1 Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? 2 Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo. 3 Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? 4 Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.” […]