Ruka 19

Zakeo, Muteresi 1 Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo. 2 Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo. 3 Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji. 4 Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda […]

Ruka 20

Vanobvunza kuti simba raJesu rinobvepi 1 Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari. 2 Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?” 3 Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei, 4 ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ” […]

Ruka 21

Chipo cheChirikadzi 1 Akati achitarira, Jesu akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chepfuma chomutemberi. 2 Akaonawo chirikadzi murombo ichiisa tumari tuviri tuduku twendarira. 3 Akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yaisa mari zhinji kupfuura vamwe vose. 4 Vanhu vose ava vapa zvipo zvavo zvichibva papfuma yavo zhinji; asi uyu, nourombo hwake aisa zvose […]

Ruka 22

Judhasi anopandukira Jesu 1 Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera, 2 uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu. 3 Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri. 4 Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu […]

Ruka 23

1 Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato. 2 Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.” 3 Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.” 4 Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, […]

Ruka 24

Kumuka kwaJesu 1 Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. 2 Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, 3 asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. 4 Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. 5 Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotama pasi nezviso zvavo, […]

Mako 1

Johani Mubhabhatidzi anogadzira Nzira 1 Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. 2 Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,” 3 “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” 4 Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi. 5 Nyika yose […]

Mako 2

Jesu anoporesa Munhu Akanga Akafa Mutezo 1 Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha. 2 Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari. 3 Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. 4 Sezvo vakanga vasingagoni kusvika […]

Mako 3

1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. 2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. 3 Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” 4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita […]

Mako 4

Mufananidzo woMukushi 1 Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe. 2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati, 3 “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. 4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya. […]