Joere 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. Dambudziko reMhashu 2 Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakatomboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu? 3 Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, uye vana vavowo vaudze rudzi runotevera. 4 Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; […]

Joere 2

Hondo yeMhashu 1 Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo, 2 zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera. 3 Moto […]

Joere 3

Kutongwa kweNdudzi 1 “Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo, kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema, 2 ndichaunganidza ndudzi dzose ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati. Ipapo ndichavatonga nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri, nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi, uye vakagovana nyika yangu. 3 Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu, vakatsinhanisa vakomana nezvipfeve; vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini yokuti vanwe. […]

Hosea 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri: Mukadzi waHosea navana vake 2 Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, Jehovha akati kwaari, “Enda, undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.” 3 Naizvozvo […]

Hosea 2

1 “Uti kuvanun’una vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ” Israeri inorangwa uye inodzorwazve 2 “Tsiurai mai venyu, vatsiurei, nokuti havazi mukadzi wangu, uye handizi murume wavo. Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo nokusatendeka pakati pamazamu avo. 3 Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose vagosara vakashama sezvavakanga akaita musi wavakaberekwa. Ndichavaita segwenga ndigovashandura vave nyika yakaoma […]

Hosea 3

Hosea anodzokerana nomukadzi wake 1 Jehovha akati kwandiri, “Enda, undodazve mukadzi wako, kunyange achidiwa nomumwe uye ari chifeve. Umude sokuda kunoita Jehovha vaIsraeri, kunyange vachitendeukira kuna vamwe vamwari vachida makeke akaereswa ane marezini.” 2 Saka ndakamutenga namashekeri gumi namashanua esirivha neinenge homeri neretekib rebhari. 3 Ipapo ndakati kwaari, “Unofanira kugara neni kwamazuva akawanda; haufaniri kuva […]

Hosea 4

Israeri inopiwa mhosva 1 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika. 2 Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa. 3 Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka […]

Hosea 5

Kutongwa kweIsraeri 1 “Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori. 2 Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose. 3 Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri avora. 4 “Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. […]

Hosea 6

Israeri inoramba kutendeuka 1 “Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu. 2 Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza, pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake. 3 Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, iye achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.” 4 “Ndichaiteiko newe, Efuremu? Ndichaiteiko […]

Hosea 7

1 Pose pandichaporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvichaiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzichabudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; 2 asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose. 3 “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo. 4 Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto […]