VaHebheru 8

Muprista Mukuru weSungano Itsva 1 Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga, 2 uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu. 3 Muprista mukuru mumwe nomumwe akagadzwa kuti ape zvose zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo. […]

VaHebheru 9

Kunamata muTabhenakeri Yapanyika 1 Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika. 2 Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene. 3 Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene, 4 yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga […]

VaHebheru 10

Chibayiro chaKristu chakaitwa kamwe chete zvikapera 1 Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe. 2 Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? 3 Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, […]

VaHebheru 11

Kutenda 1 Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi chezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. 2 Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka. 3 Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi. 4 Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, […]

VaHebheru 12

Mwari anoranga Vanakomana Vake 1 Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. 2 Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. 3 Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, […]

VaHebheru 13

Mashoko Okupedzisira 1 Rambai mune rudo pakati penyu sehama. 2 Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi. 3 Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa. 4 Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose […]

Firimoni 1

1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, Kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, 2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako: 3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Kuvonga nokunyengetera 4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose […]

Tito 1

1 Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, 2 kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, 3 panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, 4 Kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare […]

Tito 2

Zvinofanira kudzidziswa Vatendi 1 Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama. 2 Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama pakutenda naparudo uye nomukutsungirira. 3 Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. 4 Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana […]

Tito 3

Kuita zvinhu zvakanaka 1 Uyeuchidze kuti vanhu vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, 2 kuti varege kuchera vamwe, kuti vagare murunyararo uye vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. 3 Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, uye takatapwa nokuchiva kwose […]