2 Petro 1

1 Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, Kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu: 2 Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu. Kudanwa kwoMunhu noKusanangurwa Kwake ngakuve kweChokwadi 3 Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana […]

2 Petro 2

Vadzidzisi veNhema noKuparadzwa Kwavo 1 Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. 2 Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. 3 Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye […]

2 Petro 3

Zuva raIshe 1 Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. 2 Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. 3 Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. 4 Vachati, […]

1 Petro 1

1 Petro, mupostori waJesu Kristu, Kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia, 2 vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kwaMwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri. Mwari ngaarumbidzwe nokuda kweTariro Mhenyu 3 Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni […]

1 Petro 2

1 Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose. 2 Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu, 3 sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka. Ibwe Benyu naVanhu Vakasanangurwa 4 Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari, 5 nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa […]

1 Petro 3

Vakadzi naVarume 1 Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuiitira kuti, kana mumwe wavo asingatendi shoko, angadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, 2 pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. 3 Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. 4 Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori […]

1 Petro 4

Kuraramira Mwari 1 Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi. 2 Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari. 3 Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza. 4 […]

1 Petro 5

Vakuru naVaduku 1 Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti: 2 Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda; 3 musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve […]

Jakobho 1

1 Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, Kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Kutambudzwa neMiedzo 2 Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, 3 nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. 4 Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. 5 Kana mumwe […]

Jakobho 2

Kutsaura Vanhu Kunorambidzwa 1 Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu. 2 Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo, 3 kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana […]