Nehemia 8

Ezira anoverenga Murayiro 1 Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri. 2 Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. 3 […]

Nehemia 9

VaIsraeri vanoreurura Zvivi Zvavo 1 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo. 2 Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura kubva pakati pavatorwa vose. Vakamira panzvimbo dzavo vakareurura zvivi zvavo nezvitadzo zvavo. 3 Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe […]

Nehemia 10

1 Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava: Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria, Zedhekia, 2 Seraya, Azaria, Jeremia, 3 Pashuri, Amaria, Marikia, 4 Hakushi, Shebhania, Maruki, 5 Harimu, Meremoti, Obhadhia, 6 Dhanieri, Ginetoni, Bharuki, 7 Meshurami, Abhija, Mijamini, 8 Maazia, naBharigai, naShemaya. Ava ndivo vaiva vaprista. 9 VaRevhi vaiti: Jeshua mwanakomana waAzania, Bhinui wokuvanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri, 10 nehama […]

Nehemia 11

Vagari veJerusarema Vatsva 1 Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo. 2 Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema. 3 Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, […]

Nehemia 12

Vaprista navaRevhi 1 Zvino ava ndivo vaprista navaRevhi vakadzokera naZorubhabheri, mwanakomana waShearitieri naJeshua: Seraya, Jeremia, naEzira, 2 Amaria, Maruki, Hatushi, 3 Shekania, Rehumi, Meremoti, 4 Idho, Ginetoni, Abhija, 5 Mijamini Moadhia, Bhiriga, 6 Shemia, Joirabhi, naJedhaya. 7 Saru, Amoki, Hirikia naJedhaya. Ava ndivo vaiva vatungamiri vavaprista pamwe chete nehama dzavo pamazuva aJeshua. 8 VaRevhi vaiti: […]

Nehemia 13

Zvakashandurwa naNehemia pakupedzisira 1 Pazuva iroro Bhuku raMozisi rakaverengwa nenzwi guru vanhu vachizvinzwa uye zvakawanikwa zvakanyorwa kuti muAmoni nomuMoabhu havabvumirwi kupinda muungano yaMwari, 2 nokuti havana kundosangana navaIsraeri nezvokudya nemvura asi vakaripira Bharamu kuti avatuke. Kunyange zvakadaro, Mwari wedu, akashandura kutuka kukava ropafadzo. 3 Vanhu vakati vanzwa murayiro uyu, vakabvisa vose vakanga vari vatorwa pakuberekwa. […]

Ezira 1

Sirasi anobatsira vakatapwa kuti vadzokere kunyika yavo 1 Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia kuti rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti: 2 “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema […]

Ezira 2

Mazita avatapwa vakadzokera kunyika yavo 1 Zvino ava ndivo vanhu vomudunhu vakadzoka kubva kuutapwa hwavakanga vatapwa, avo vakanga vatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi vakanga vaendeswa kuutapwa kuBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, 2 vakanga vari pamwe chete naZerubhabheri, naJeshua, naNehemia, naSeraya, naReeraya, naModhekai, naBhirishani, naMisipari, naBhigivhai, naRehumi uye naBhaana): Uwandu hwavarume pakati pavaIsraeri: 3 […]

Ezira 3

Kuvakwazve kweAritari 1 Mwedzi wechinomwe wakati wasvika uye vana veIsraeri vakanga vagara mumaguta avo, vanhu vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete muJerusarema. 2 Ipapo Jeshua mwanakomana waJozadhaki navamwe vake vaprista naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri neshamwari dzake vakatanga kuvaka aritari yaMwari weIsraeri kuti vabayirepo zvipiriso zvinopiswa, maererano nezvakanyorwa muMurayiro waMozisi, munhu waMwari. 3 Vakavakira aritari pahwaro uye […]

Ezira 4

Vavengi vanodzivisa kuvakwa kweTemberi 1 Vavengi veJudha neBenjamini vakati vanzwa kuti vatapwa vakanga vachivaka temberi yaJehovha, Mwari weIsraeri, 2 vakauya kuna Zerubhabheri nokuvakuru vedzimba vakati, “Titenderei kuti tikubatsirei kuvaka nokuti tinotsvaka Mwari wenyu, sezvamunoitawo, uye tinomubayira kubva pamazuva aEsarihadhoni mambo waAsiria, akatisvitsa pano.” 3 Asi Zerubhabheri, Jeshua navamwe vose vakuru vedzimba dzeIsraeri vakapindura vakati, “Hamuna […]