VaIsraeri vanodzvinyirirwa 1 Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake: 2 Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha; 3 Isakari, Zebhuruni naBhenjamini; 4 Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri. 5 Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti. 6 Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa, 7 asi vaIsraeri […]
Category Archives: Ekisodho
Ekisodho 2
Kuberekwa kwaMozisi 1 Zvino mumwe murume weimba yaRevhi akawana mukadzi, 2 uye mukadzi uyu akava nemimba akabereka mwanakomana. Paakaona kuti akanga ari mwana akanaka, akamuvanza kwemwedzi mitatu. 3 Asi akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe akainama netara nenamo. Ipapo akaisa mwana imomo ndokuiisa pakati petsanga dzaiva mumahombekombe aNairi. 4 Hanzvadzi yake yakamira iri chinhambwe kuti […]
Ekisodho 3
Mozisi neGwenzi Raipfuta 1 Zvino Mozisi akanga achifudza makwai aJeturo tezvara wake, muprista weMidhiani, uye akatungamirira makwai kurutivi rwuri kure negwenga akasvika kuHorebhi, gomo raMwari. 2 Ikoko, mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumarimi omoto aiva mugwenzi. Mozisi akaona kuti kunyange zvazvo gwenzi rakanga richipfuta, rakanga risingatsvi. 3 Saka Mozisi akafunga akati, “Ndichaenda apo ndinoona chishamiso ichi, […]
Ekisodho 4
Zviratidzo zvaMozisi 1 Mozisi akapindura akati, “Ko, kana vakasanditenda kana kunditeerera uye vakati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri’?” 2 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akapindura akati, “Itsvimbo.” 3 Jehovha akati, “Ikande pasi.” Mozisi akaikanda pasi ikava nyoka, uye akaitiza. 4 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Tambanudza ruoko ugoibata nokumuswe.” Saka Mozisi akatambanudza ruoko […]
Ekisodho 5
Zvidhina Pasina Uswa 1 Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.’ ” 2 Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.” 3 Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo […]
Ekisodho 6
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino uchaona zvandichaita kuna Faro. Nokuda kworuoko rwangu rune simba achavaregera kuti vaende; nokuda kworuoko rwangu rune simba achavadzinga munyika make.” 2 Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha. 3 Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari. 4 Ndakasimbisawo sungano […]
Ekisodho 7
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako. 2 Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake. 3 Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti, 4 haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu […]
Ekisodho 8
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. 2 Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya. 3 Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye muzvoto zvako nepokukanyira chingwa. 4 […]
Ekisodho 9
Dambudziko Rechishanu: Hosha pakati pezvipfuwo 1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. 2 Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa, 3 ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye […]
Ekisodho 10
Dambudziko Rorusere: Mhashu 1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo, 2 kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu mabatiro akaipa andakaitira vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.” 3 […]