Ezekieri 21

Bhabhironi, munondo waMwari wokutonga 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuJerusarema uparidze pamusoro penzvimbo tsvene. Profita pamusoro penyika yeIsraeri, 3 uti kwairi, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kuzokurwisa. Ndichavhomora munondo wangu kubva mumuhara wawo ndigouraya pakati penyu vose vakarurama navakaipa. 4 Nokuti ndichaparadza vakarurama navakaipa, munondo wangu uchabuda mumuhara kundorwa navose […]

Ezekieri 22

Zvivi zveJerusarema 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, ucharitonga here? Ucharitonga here guta iri rokudeura ropa? Ipapo urizivise mabasa aro ose anonyangadza 3 uti, “Zvanzi naIshe Jehovha: Haiwa iwe guta rinozvitsvakira kuparadzwa nokuda kwokuteura ropa pakati paro, nokuzvisvibisa nokuita zvifananidzo, 4 wava nemhosva nokuda kweropa rawakateura uye wakasvibiswa nokuda kwezvifananidzo zvawakaita. Wakasvitsa […]

Ezekieri 23

Vanasikana Vaviri Zvifeve 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete. 3 Ivo vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa. 4 Zita romukoma rakanga richinzi Ohora, uye munun’una wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye […]

Ezekieri 24

Hari yokubikira 1 Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori. 3 Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Gadza hadyana; igadze ugodira mvura mairi. 4 Uise mairi nhindi dzenyama, […]

Ezekieri 25

Chiprofita pamusoro peAmoni 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo. 3 Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa, 4 naizvozvo ndichakuisai kuvanhu […]

Ezekieri 26

Chiprofita pamusoro peTire 1 Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira, 3 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa […]

Ezekieri 27

Mariro pamusoro peTire 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire. 3 Uti kuTire, riri pamusoro unopinda kugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, “Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Unoti, iwe Tire, “Ini ndakakwana parunako.” 4 Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru; vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana. 5 […]

Ezekieri 28

Chiprofita pamusoro paMambo weTire 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, uti kumubati weTire, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Mukuzvikudza kwomwoyo wako iwe wakati, “Ini ndiri mwari; ndinogara pachigaro choushe chamwari, pakati pomwoyo wamakungwa.” Asi uri munhu zvako uye hauzi mwari, kunyange uchifunga kuti wakachenjera samwari. 3 Ko, iwe wakachenjera kukunda Dhanieri here? Ko, […]

Ezekieri 29

Chiprofita pamusoro peIjipiti 1 Mugore regumi, mumwedzi wegumi pazuva regumi namaviri, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro paFaro mambo weIjipiti. 3 Taura kwaari kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndine mhaka newe, iwe Faro mambo weIjipiti, iyewe shato huru uvete pakati pehova dzako. Iwe unoti, “Nairi ndorwangu; ndakazvigadzirira pachangu.” 4 […]

Ezekieri 30

Kuungudza pamusoro peIjipiti 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!” 3 Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi. 4 Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure […]