Ezekieri 11

Kutongwa kwaVatungamiri veIsraeri 1 Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pana varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu. 2 Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ava ndivo varume vanorangana zvakaipa nokupa mano akaipa muguta rino. 3 Vanoti, ‘Ko, nguva […]

Ezekieri 12

Vakatapwa 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, iwe ugere pakati pavanhu vanondimukira. Vane meso okuona asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi, nokuti vanhu vokumukira. 3 “Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira. 4 […]

Ezekieri 13

Vaprofita Venhema vanopiwa mhosva 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavaprofita vaIsraeri vari kukuprofiterai zvino. Uti kuna avo vanoprofita zvinobva pamurangariro wavo, ‘Inzwai shoko raJehovha! 3 Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vaprofita mapenzi vanotevera mweya yavo pachavo ivo vasina chavakaona! 4 Vaprofita venyu, imi vaIsraeri, vakafanana namakava ari pakati pamatongo. […]

Ezekieri 14

Vanonamata Zvifananidzo vanotongwa 1 Vamwe vavakuru veIsraeri vakauya kwandiri vakagara pasi pamberi pangu. 2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 3 “Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here? 4 Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make […]

Ezekieri 15

Jerusarema, muzambiringa usina maturo 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko? 3 Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhupo here? 4 Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto […]

Ezekieri 16

Kufananidzirwa kwokusatendeka kweJerusarema 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro 3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti. 4 Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye […]

Ezekieri 17

Makondo Maviri noMuzambiringa 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, misa chinofananidzira utaurire imba yaIsraeri mufananidzo. 3 Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Gondo guru rina mapapiro ane simba, rina manhenga marefu uye rizere namambava ana mavara mavara rakasvika kuRebhanoni. Rakabata musoro womusidhari, 4 rikagura davi rokumusorosoro rikaenda naro kure kunyika yavashambadziri, ndokungorisima muguta […]

Ezekieri 18

Mweya unotadza uchafa 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Munoreveiko vanhu imi zvamunotaura tsumo iyi pamusoro penyika yeIsraeri, muchiti, “ ‘Madzibaba akadya mazambiringa anovava, uye meno avana akaita ugugu’? 3 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, hamuchazotaurizve tsumo iyi muIsraeri. 4 Nokuti mweya mupenyu mumwe nomumwe ndowangu, baba pamwe chete nomwanakomana vose saizvozvo ndevangu. […]

Ezekieri 19

Kuchema pamusoro paMachinda eIsraeri 1 “Chema urire pamusoro pamachinda eIsraeri 2 uti: “ ‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo. 3 Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu. 4 Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti. […]

Ezekieri 20

Israeri yokumukira 1 Mugore rechinomwe, nomwedzi wechishanu pazuva regumi, vamwe vavakuru vavaIsraeri vakauya kuzobvunza Jehovha, vakagara pasi pamberi pangu. 2 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 3 “Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ 4 “Ungavatonga […]