Ezekieri 31

Musidhari womuRebhanoni 1 Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose: “ ‘Ndianiko angaenzaniswa newe paushe? 3 Rangarira Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakareba kwazvo, munhengenya wawo uri pamusoro pamashizha akapfumvutira. 4 Mvura zhinji […]

Ezekieri 32

Mariro pamusoro paFaro 1 Mugore regumi namaviri, nomwedzi wegumi namaviri pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, itira Faro mambo weIjipiti mariro uti kwaari: “ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita seshato mukati mamakungwa uchibvongodzabvongodza mukati mehova dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako uye ukasvibisa hova. 3 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Neboka […]

Ezekieri 33

Ezekieri, Nharirire yaJehovha 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo, 3 uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika uye akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu, 4 ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi […]

Ezekieri 34

Vafudzi naMakwai 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here? 3 Munodya ruomba, munozvifukidza namakushe muchiuraya makwai akakora, asi hamuna hanya namakwai. 4 Hamuna kusimbisa asina simba kana kurapa anorwara […]

Ezekieri 35

Chiprofita pamusoro peEdhomu 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peGomo reSeiri; uprofite pamusoro paro, 3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe iwe Gomo reSeiri, uye ndichatambanudzira ruoko rwangu kuzorwa newe ndigokuita dongo raparadzwa. 4 Ndichashandura maguta ako akava matongo uye iwe uchaparadzwa. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha. […]

Ezekieri 36

Chiprofita kuMakomo eIsraeri 1 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pamakomo eIsraeri uti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raJehovha. 2 Zvanzi naIshe Jehovha: Muvengi akati kwauri, “Toko waro! Nzvimbo dzakakwirira dzekare dzava dzedu.”’ 3 Naizvozvo profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti vakakuparadzai nokukudzingai kumativi ose kusvikira mava vanhu vendudzi dzose uye nechinhu chinoshorwa navanhu nechinorehwa, 4 […]

Ezekieri 37

Mupata waMapfupa Akaoma 1 Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu, uye akandibudisa noMweya waJehovha akandiisa pakati pomupata; wakanga uzere namapfupa. 2 Akanditungamirira kuno nokoko pakati pawo, uye ndakaona mapfupa mazhinji zhinji pamusoro pomupata; mapfupa akanga akaoma kwazvo. 3 Iye akandibvunza akati, “Mwanakomana womunhu, mapfupa aya angararama here?” Ini ndakati, “Imi Ishe Jehovha, iyemi moga munoziva.” […]

Ezekieri 38

Chiprofita pamusoro paGogi 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yeMagogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari; uprofite pamusoro pake 3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi muchinda mukuru weMesheki neTubhari. 4 Ndichakutendeusa, ndigoisa zvikokovono mushaya dzako ndigokubudisa iwe nehondo yako yose, mabhiza ako, vatasvi vamabhiza […]

Ezekieri 39

1 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro paGogi, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari. 2 Ndichakutendeutsa ndigokukwekweredza. Ndichakubvisa kumusoro ndigokutumira kundorwisa pamakomo eIsraeri. 3 Ipapo ndicharova museve wako nechokuruboshwe rwako ndigowisira miseve yako pasi ichibva muruoko rwako rworudyi. 4 Uchawa pamakomo aIsraeri, iwe namauto ako ose uye nendudzi dzaunadzo. Ndichakupa […]

Ezekieri 40

Nzvimbo Itsva yeTemberi 1 Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, shure kwokuwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu uye akandiendesako. 2 Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yaIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta. 3 Akandiendesa ikoko, […]