Genesisi 11

Shongwe yeBhabheri 1 Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana. 2 Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari uye vakagaramo. 3 Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumiti rikava dhaka ravo. 4 Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege […]

Genesisi 12

Kudanwa kwaAbhurama 1 Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza. 2 “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo. 3 Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.” 4 Saka […]

Genesisi 13

Abhurama naRoti vanoparadzana 1 Saka Abhurama akakwira achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye. 2 Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe. 3 Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kusvikira asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare 4 uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. […]

Genesisi 14

Abhurama anonunura Roti 1 Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi 2 vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoyimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari). 3 Madzimambo ose akatevera aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu). 4 Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri […]

Genesisi 15

Sungano yaMwari naAbhurama 1 Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti: “Usatya, Abhurama. Ndiri nhoo yako, mubayiro wako mukuru chaizvo.” 2 Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?” 3 Uye Abhurama akati, “Hamuna kundipa vana; saka muranda ari mumba mangu ndiye […]

Genesisi 16

Hagari naIshumaeri 1 Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari; 2 saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.” Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai. 3 Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora […]

Genesisi 17

Sungano yoKudzingiswa 1 Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama. 2 Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.” 3 Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari, 4 “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba […]

Genesisi 18

Vatumwa Vatatu 1 Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa. 2 Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi. 3 Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu […]

Genesisi 19

Sodhomu neGomora zvinoparadzwa 1 Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi. 2 Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu […]

Genesisi 20

Abhurahama naAbhimereki 1 Zvino Abhurahama akabvapo akapinda mudunhu rokuNegevhi akandogara pakati peKadheshi neShuri. Akagara muGerari kwechinguva, 2 uye ikoko Abhurahama akati kumukadzi wake Sara, “Ihanzvadzi yangu.” Ipapo Abhimereki mambo weGerari akatuma vanhu kuti vandotora Sara. 3 Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku mukurota uye akati kwaari, “Wakangoita somunhu akafa nokuda kwomukadzi wawatora; mukadzi womunhu.” 4 […]