Genesisi 21

Kuberekwa kwaIsaka 1 Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa. 2 Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari. 3 Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka. 4 Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari. […]

Genesisi 22

Abhurahama anoedzwa 1 Shure kwaizvozvo, Mwari akaedza Abhurahama. Akati kwaari, “Abhurahama!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” 2 Ipapo Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, Isaka, iye waunoda, uye uende kunyika yeMoria. Umubayire ikoko sechipiriso chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.” 3 Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana […]

Genesisi 23

Kufa kwaSara 1 Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa. 2 Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara uye akaungudza pamusoro pake. 3 Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati, 4 “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa […]

Genesisi 24

Isaka naRabheka 1 Zvino Abhurahama akanga akwegura uye ava namakore mazhinji, uye Jehovha akanga amuropafadza pazvinhu zvose. 2 Akati kumuranda wake mukuru womumba make, iye akanga ari mutariri wezvose zvaakanga anazvo, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu. 3 Ndinoda kuti upike naJehovha, Mwari wokudenga uye Mwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, […]

Genesisi 25

Kufa kwaAbhurahama 1 Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura. 2 Iye akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua. 3 Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi. 4 Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura. 5 Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo […]

Genesisi 26

Isaka naAbhimereki 1 Zvino munyika makanga mune nzara, isati iri nzara iya yakatanga kuvapo panguva yaAbhurahama, uye Isaka akaenda kuna Abhimereki mambo wavaFiristia muGerari. 2 Jehovha akazviratidza kuna Isaka akati, “Usaburuka kuIjipiti; gara munyika yandinokuudza kuti ugare. 3 Gara hako munyika ino kwechinguva, uye ndichava newe uye ndichakuropafadza. Nokuti kwauri nokuzvizvarwa zvako ndichapa nyika iyi […]

Genesisi 27

Jakobho anowana Maropafadzo aIsaka 1 Isaka akati akwegura uye meso ake akanga aneta zvokuti akanga asisaoni, akadana Esau mwanakomana wake mukuru akati kwaari, “Mwanakomana wangu.” Iye akapindura akati, “Ndiri pano.” 2 Isaka akati, “Zvino ndava murume mutana uye handizivi zuva rokufa kwangu. 3 Naizvozvo zvino tora zvombo zvako, goba rako nouta ugoenda kusango kuti unondivhimirawo […]

Genesisi 28

1 Saka Isaka akadana Jakobho uye akamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani. 2 Kurumidza uende kuPadhani Aramu kuimba yaBhetueri baba vamai vako. Uzvitorere mukadzi ikoko, kubva pakati pavanasikana vaRabhani, hanzvadzi yamai vako. 3 Mwari Wamasimba Ose ngaakuropafadze uye aite kuti ubereke uye akuitei vazhinji kusvikira mava marudzi mazhinji. 4 Ngaakupe iwe nezvizvarwa zvako maropafadzo akapiwa […]

Genesisi 29

Jakobho anosvika muPadhani Aramu 1 Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake uye akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva. 2 Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru. 3 Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. […]

Genesisi 30

1 Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!” 2 Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?” 3 Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni […]