Genesisi 31

Jakobho anotiza kubva kuna Rabhani 1 Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.” 2 Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga. 3 Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava […]

Genesisi 32

Jakobho anogadzirira kundosangana naEsau 1 Jakobho akaendawo nzira yake, uye vatumwa vaMwari vakasangana naye. 2 Jakobho akati achivaona, akati, “Uyu ndiwo musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Mahanaimi. 3 Jakobho akatuma nhume mberi kwake kumukoma wake Esau munyika yeSeiri, iyo nyika yeEdhomu. 4 Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau […]

Genesisi 33

Jakobho anosangana naEsau 1 Jakobho akasimudza meso ake ndokuona hoyo Esau, achiuya ana varume mazana mana; saka akaparadzanisa vana pakati paRea naRakeri navarandakadzi vaviri. 2 Akaisa varandakadzi navana vavo pamberi, Rea navana vake vachitevera, uye Rakeri naJosefa mumashure. 3 Iye pachake akatungamira mberi akakotamira pasi kanomwe paakanga oswedera kumukoma wake. 4 Asi Esau akamhanya kundosangana […]

Genesisi 34

Dhaina navaShekemu 1 Zvino Dhaina, mwanasikana akaberekerwa Jakobho naRea, akabuda kundoshanyira madzimai enyika iyo. 2 Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi, mutongi wenzvimbo iyo, akati amuona, akamutora akavata naye, uye akamunyadza. 3 Mwoyo wake wakadokwairira Dhaina mwanasikana waJakobho, uye aida musikana uyu, uye akataura naye zvinyoronyoro. 4 Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu […]

Genesisi 35

Jakobho anodzokera kuBheteri 1 Ipapo Mwari akati kuna Jakobho, “Kwira uende kuBheteri undogara ikoko, uye uvake aritari yaMwari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza mukoma wako Esau.” 2 Saka Jakobho akati kune veimba yake nokuna vose vakanga vanaye, “Bvisai vamwari vavatorwa vamunavo, muzvinatse uye mupfeke dzimwe nguo dzenyu. 3 Ipapo mugouya tiende kuBheteri, uko kwandichandovaka […]

Genesisi 36

Zvizvarwa zvaEsau 1 Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu). 2 Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi, 3 uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti. 4 Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri, 5 uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani. 6 […]

Genesisi 37

Zviroto zvaJosefa 1 Jakobho akagara munyika yakanga yambogarwa nababa vake, iyo nyika yeKenani. 2 Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho. Josefa jaya ramakore gumi namanomwe, akanga achifudza makwai pamwe chete namadzikoma ake, vanakomana vaBhiriha navanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake, uye akauya namashoko akaipa kuna baba vavo pamusoro pavo. 3 Zvino Israeri akanga achida Josefa kupfuura vamwe vavanakomana […]

Genesisi 38

Judha naTamari 1 Panguva iyoyo, Judha akabva kuhama dzake akaburuka akandogara nomurume wokuAdhurama ainzi Hira. 2 Ikoko Judha akasangana nomwanasikana womumwe murume muKenani ainzi Shua. Akamuwana uye akavata naye; 3 akava nemimba akabereka mwanakomana, zita rake rainzi Eri. 4 Akaitazve imwe mimba akabereka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Onani. 5 Akabereka mumwezve mwanakomana akamutumidza zita […]

Genesisi 39

Josefa noMukadzi waPotifa 1 Zvino Josefa akanga atorwa akaendeswa kuIjipiti. Potifa muIjipita uyo akanga ari mumwe wamachinda aFaro ari mukuru wavarindi, akamutenga kuvaIshumaeri avo vakanga vamuendesa ikoko. 2 Jehovha akanga ana Josefa uye akaita kuti abudirire, uye aigara mumba momuIjipita, tenzi wake. 3 Tenzi wake akati achiona kuti Jehovha akanga anaye uye kuti Jehovha akamuita […]

Genesisi 40

Mudiri noMubiki 1 Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. 2 Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru, 3 akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa. 4 Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, iye akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva. 5 Vose vari vaviri vakarota hope, […]