Isaya 11

Davi raJese 1 Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero. 2 Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokunzwisisa mweya wamano nowesimba, mweya wokuziva nowokutya Jehovha, 3 uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake, 4 asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu […]

Isaya 12

Nziyo dzokurumbidza 1 Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza. 2 Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.” 3 Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso. 4 Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita […]

Isaya 13

Chiprofita pamusoro peBhabhironi 1 Shoko rakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peBhabhironi: 2 Simudzai mireza pamusoro pechikomo chisina miti, danidzirai kwavari; muninire kwavari kuti vapinde pamasuo amakurukota. 3 Ndakarayira vatsvene vangu; ndakadana varwi vangu kuti vazadzise kutsamwa kwangu, avo vanofadzwa nokukunda kwangu. 4 Inzwai, kutinhira pamusoro pamakomo, kwakafanana nokwavanhu vazhinji zhinji! Inzwai, mheremhere pakati poumambo, sendudzi […]

Isaya 14

1 Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi; achasarudza Israeri zvakare uye achavagarisa munyika yavo. Vatorwa vachabatana navo vachanamatirana neimba yaJakobho. 2 Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo. 3 Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha […]

Isaya 15

Chiprofita pamusoro peMoabhu 1 Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu: Ari romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Kiri romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! 2 Dhibhoni rakwira kutemberi yaro, kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema; Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha. Misoro yose yaveurwa ndebvu dzose dzabviswa. 3 Munzira dzomuguta vakapfeka masaga: pamusoro pamatenga edzimba uye nomumatare, vanoungudza vose, vakazvambarara […]

Isaya 16

1 Tumirai mutero wamakawana kumubati wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni. 2 Kufanana neshiri yadzungaira ichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni. 3 “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri. 4 Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika […]

Isaya 17

Chirevo pamusoro peDhamasiko 1 Chirevo pamusoro peDhamasiko: “Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta, asi richava murwi wamatongo. 2 Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo, izvo zvichavata pasi, pasina anozvivhundusa. 3 Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu, uye simba roushe kubva paDhamasiko; vakasara veAramu vachava sembiri yavaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 4 “Pazuva iro mbiri […]

Isaya 18

Chiprofita pamusoro peEtiopia 1 Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia, 2 inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi. 3 Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza […]

Isaya 19

Chiprofita pamusoro peIjipiti 1 Chirevo pamusoro peIjipiti: Tarirai, Jehovha akatasva gore rinomhanya, uye ari kuuya kuIjipiti. Zvifananidzo zveIjipiti zviri kudedera pamberi pake, uye mwoyo yavaIjipita yonyungudika mukati mavo. 2 “Ndichakuchidzira kumukirana pakati pavaIjipita, munun’una acharwa nomukoma, muvakidzani acharwa nowaakavakidzana naye, guta richarwisana nerimwe guta, umambo hucharwisana nohumwe umambo. 3 VaIjipita vachaora mwoyo, uye ndichaita kuti […]

Isaya 20

Chiprofita pamusoro peIjipiti neEtiopia 1 Mugore rokusvika kwomutungamiri mukuru, kuAshidhodhi, atumwa naSarigoni mambo weAsiria, akairwisa uye akaitapa, 2 panguva iyoyo Jehovha akataura kubudikidza naIsaya mwanakomana waAmozi. Akati kwaari, “Bvisa nguo yesaga pamuviri wako neshangu mumakumbo mako.” Iye akaita saizvozvo, akafamba asina nguo uye asina shangu. 3 Ipapo Jehovha akati, “Sezvakaita Isaya muranda wangu akafamba asina […]