Isaya 31

Vane Nhamo Vanovimba neIjipiti 1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro, vanovimba namabhiza, vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza, asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri, kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha. 2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa nhamo; haangadzosi mashoko ake. Iye achamukira imba yavakaipa, naavo vanobatsira vanoita zvakaipa. 3 […]

Isaya 32

Umambo hwoKururama 1 Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira. 2 Munhu mumwe nomumwe achafanana noutiziro kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota. 3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera. 4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva nokunzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika. […]

Isaya 33

Kutambudzika noKubatsirwa 1 Une nhamo iwe, muparadzi, iyewe usati wamboparadzwa! Une nhamo iwe, mupanduki, iyewe usati wambopandukirwa! Paunorega kuparadza, iwe uchaparadzwa; paunorega kupandukira, iwe uchapandukirwa. 2 Haiwa Jehovha, tinzwirei tsitsi; tinokupangai imi. Ivai simba redu mangwanani oga oga, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika. 3 Pakutinhira kwenzwi renyu, ndudzi dzinotiza; pamunosimuka, marudzi anopararira. 4 Haiwa imi ndudzi, […]

Isaya 34

Kutongwa kweNdudzi 1 Swederai pedyo, imi marudzi avanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo! 2 Jehovha akatsamwira marudzi ose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Iye achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe. 3 Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo. 4 Nyeredzi dzokudenga dzose […]

Isaya 35

Mufaro waVakadzikinurwa 1 Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva, 2 richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu. 3 Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera; 4 muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, […]

Isaya 36

Senakeribhi anovhundutsira Jerusarema 1 Mugore regumi namana rokutonga kwaMambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose akakomberedzwa aJudha akaapamba. 2 Ipapo mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo yake nehondo huru achibva kuRakishi kuna Mambo Hezekia muJerusarema. Mukuru wehondo akati amira pamugero weDziva roKumusoro, pamugwagwa unoenda kuMunda woMusuki, 3 ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, mufambisi webasa mumuzinda wamambo, […]

Isaya 37

Kusunungurwa kweJerusarema kunoprofitwa 1 Mambo Hezekia akati anzwa izvi, akabvarura nguo dzake akafuka masaga akapinda mutemberi yaJehovha. 2 Akatuma Eriakimu mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, navakuru vavaprista, vose vakapfeka masaga, kumuprofita Isaya mwanakomana waAmozi. 3 Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia: Nhasi izuva renhamo nokutukwa uye kunyadziswa, sezvinoitika kana vana vakasvika pakuzvarwa asi simba rokusununguka pasina. 4 […]

Isaya 38

Kurwara kwaHezekia 1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.” 2 Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti, 3 “Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema […]

Isaya 39

Nhume dzakabva kuBhabhironi 1 Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake. 2 Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa […]

Isaya 40

Kunyaradzwa kwaVanhu vaMwari 1 Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. 2 Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro. 3 Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje. 4 Mipata yose ichasimudzirwa, […]