Isaya 41

Mubatsiri waIsraeri 1 “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka. 2 “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa marudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo, nouta hwake. 3 Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina […]

Isaya 42

Muranda waJehovha 1 “Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa. 2 Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta. 3 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Iye, mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira; 4 haangakoniwi uye haangaperi simba kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika. Zviwi zvichaisa tariro yazvo […]

Isaya 43

Muponesi waIsraeri Mumwe Oga 1 Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu. 2 Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi. 3 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive […]

Isaya 44

Israeri Musanangurwa 1 “Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, Israeri, wandakasarudza. 2 Zvanzi naJehovha, iye akakuita, akauumba mudumbu uye iye achakubatsira: Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu, Jeshuruni, wandakasarudza. 3 Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nemikomborero yangu pamusoro pavana vako. 4 Vachamera souswa mudekete, […]

Isaya 45

1 “Zvanzi naJehovha kumuzodziwa wake, kuna Sirasi, ane ruoko rworudyi rwandakabata kuti akunde ndudzi pamberi pake, uye kuti atorere madzimambo zvombo zvavo, kuti ndizarure mikova pamberi pake, masuo agorega kupfigwa: 2 Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi. 3 Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive […]

Isaya 46

Vamwari veBhabhironi 1 Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama; zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro. Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema, mutoro pazvipfuwo zvakaneta. 2 Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa. 3 “Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vanosara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu. […]

Isaya 47

Kuwa kweBhabhironi 1 “Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava. 2 Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova. 3 Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.” 4 Mudzikinuri wedu, Jehovha […]

Isaya 48

Israeri ino mwoyo mukukutu 1 “Inzwai izvi, imi imba yaJakobho, makatumidzwa zita raIsraeri, uye muchibva kurudzi rwaJudha, imi munoita mhiko muzita raJehovha, uye munodana kuna Mwari waIsraeri, asi musingaiti muzvokwadi kana mukururama, 2 imi munozviti vagari vomuguta dzvene, muchivimba naMwari weIsraeri; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake: 3 Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu […]

Isaya 49

Muranda waJehovha 1 Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu. 2 Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake. 3 Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu, Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangumaari.” 4 Asi ndakati, “Ndakashandira pasina, ndapedza simba […]

Isaya 50

Chivi chaIsraeri noKuteerera kwoMuranda 1 Zvanzi naJehovha, “Ko, tsamba yokurambwa kwamai venyu iripiko yandakavadzinga nayo? Uye ndevapiko vandakakwereta ndikazokutengesai kwavari? Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu; mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu. 2 Sei ndakashaya munhu, pandakauya? Sei pasina akapindura pandakadana? Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei? Handina simba rokukununurai here? Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa; […]