Isaya 51

Ruponeso Rwokusingaperi rweZioni 1 “Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa; 2 tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji. 3 Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana […]

Isaya 52

1 Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri. 2 Zunza guruva rako: simuka, ugare paushe, iwe Jerusarema. Zvisunungure pangetani dziri pamutsipa wako, iwe nhapwa, Mwanasikana weZioni. 3 Nokuti zvanzi naJehovha, “Wakatengeswa pasina mutengo, uye uchadzikinurwa pasina mari.” 4 Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Pakutanga […]

Isaya 53

1 Ndianiko akatenda zvatakaparidza, uye ruoko rwaJehovha rwakaratidzwa kuna aniko? 2 Iye akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake. 3 Iye akazvidzwa uye akarambwa navanhu, murume wokusuwa, uye anoziva kutambudzika. Somunhu anovanzirwa chiso navanhu, akazvidzwa, uye isu hatina kumukudza. 4 […]

Isaya 54

Kubwinya kuchaita Zioni 1 “Imba, iwe mukadzi asina mwana, pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 2 Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako. 3 Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana […]

Isaya 55

Kukokwa Kwavane Nyota 1 “Uyai imi mose mune nyota, uyai kumvura zhinji; nemi musina mari, uyai, mutenge uye mudye! Uyai mutenge waini nomukaka pasina mari uye pasina mutengo. 2 Ko, munopedzerei mari pazvinhu zvisati zviri zvokudya, nesimba renyu pazvinhu zvisingagutsi? Teererai, nditeerei mugodya zvakanaka, uye mweya yenyu ichafarira zvakakora zvezvakanaka. 3 Rerekai nzeve yenyu muuye […]

Isaya 56

Ruponeso rwaVamwe 1 Zvanzi naJehovha, “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. 2 Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.” 3 Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti, “Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.” Uye nomuyunaki ngaarege kugunun’una achiti, “Ndinongova zvangu […]

Isaya 57

1 Vakarurama vanoparara, uye hakuna anofunga izvi mumwoyo make; vanhu vanoda Mwari vanobviswa, uye hakuna anonzwisisa kuti vakarurama vanobviswa kuti vanunurwe kubva pane zvakaipa. 2 Vose vanofamba mukururama vanopinda murugare, vanowana zororo pavanovata murufu. 3 “Asi imi, uyai pano, imi vanakomana vomuroyi, imi chibereko chemhombwe nezvifeve! 4 Muri kuseka aniko? Ndiani wamunohomera uye wamunobudisira rurimi […]

Isaya 58

Kutsanya kwechokwadi 1 “Danidzira nesimba, usanyarara. Simudza inzwi rako sehwamanda. Paridzira vanhu vangu kupanduka kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo. 2 Nokuti zuva nezuva vanonditsvaka; vanoita savane chido chokuziva nzira dzangu, kunge vanga vari rudzi runoita zvakanaka uye rusina kusiya mirayiro yaMwari wavo. Vanondikumbira kutonga kwakarurama sokunge vanofarira kuti Mwari auye pedyo navo. 3 Vanoti, ‘Takatsanyireiko, […]

Isaya 59

Chivi, Kureurura, neDzikinuro 1 Zvirokwazvo ruoko rwaJehovha haruna kupfupika kuti rukonewe kuponesa, uye nzeve yake haina kudzivira kuti irege kunzwa. 2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa. 3 Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, minwe yenyu nezvakaipa. Miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runonguruma zvinhu zvakaipa. 4 […]

Isaya 60

Kubwinya kweZioni 1 “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako. 2 Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako. 3 Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako. 4 “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana […]