Jobho 11

Zofari 1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati: 2 “Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kururamisirwa here? 3 Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchihomera here? 4 Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’ 5 Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake […]

Jobho 12

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye kungwara kuchafa nemi! 3 Asi neni ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi? 4 “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa! 5 Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo […]

Jobho 13

1 “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa. 2 Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva handisi muduku kwamuri. 3 Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose nokuzvidavirira mhaka yangu kuna Mwari. 4 Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose! 5 Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti kungava kungwara kwamuri. 6 Chinzwai zvino kuzvidavirira […]

Jobho 14

1 “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika. 2 Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari. 3 Ko, munotarira nameso enyu kumunhu wakadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here? 4 Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka kubva pane chakaipa? Hakuna! 5 Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika. 6 Naizvozvo regai kumutarisa […]

Jobho 15

Erifazi 1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: 2 “Ko, munhu akangwara angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva? 3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo, nokutaura mashoko asina basa here? 4 Asi munotorwisa kururuma uye munodzivisa kunamata Mwari. 5 Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri. 6 Muromo wako pachako […]

Jobho 16

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! 3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? 4 Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri panzvimbo yangu; Ndaigona kutaura mashoko okukupikisai nokukudzungudzirai musoro wangu. 5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva […]

Jobho 17

1 Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira. 2 Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa kutsamwa kwavo. 3 “Ndipei, imi Mwari chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso? 4 Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda. 5 Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achaneta. 6 “Mwari akandiita shumo kuvanhu […]

Jobho 18

Bhiridhadhi 1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbofungai, ipapo tigotaurirana hedu. 3 Tinotorerweiko semombe nokurangarirwa samapenzi pamberi penyu? 4 Iyemi munozvibvamburanya mukutsamwa kwenyu, ko, nyika ingasiyiwa nokuda kwenyu here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here? 5 “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa. 6 Chiedza chiri mutende rake […]

Jobho 19

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Mucharamba muchinditambudza nokundipwanya namashoko kusvikira riiniko? 3 Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose. 4 Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchagara neni ndoga. 5 Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu, 6 zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye […]

Jobho 20

Zofari 1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati: 2 “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo. 3 Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure. 4 “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika, 5 kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku. 6 Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, […]