Jobho 21

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Teereresai mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwamunondipa. 3 Ndiitirei mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, murambe muchiseka henyu. 4 “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana navanhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo? 5 Nditarirei mushamiswe; mufumbire muromo wenyu noruoko. 6 Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu. 7 Nemhaka […]

Jobho 22

Erifazi 1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati: 2 “Ko, munhu angabatsira Mwari here? 3 Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama? 4 “Imhaka yokumutya kwako here zvaanokutsiura nokukupa mhosva? 5 Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi? 6 Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu […]

Jobho 23

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Kunyange nanhasi ndonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu. 3 Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara! 4 Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo. 5 Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva. 6 Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, […]

Jobho 24

Jobho 1 “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina? 2 Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba. 3 Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso. 4 Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda. 5 Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; […]

Jobho 25

Bhiridhadhi 1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusorosoro kudenga. 3 Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? 4 Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? 5 Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, 6 ndoda munhu […]

Jobho 26

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Iwe wakavabatsira sei vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika! 3 Izanoiko rawakapa asina uchenjeri! Uye wakaratidza njere dzakakura sei! 4 Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako? 5 “Vakafa vari pakurwadziwa kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi. 6 Rufu rwakashama […]

Jobho 27

1 Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti: 2 “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu, 3 sezvo ndichine upenyu mandiri, iko kufema kwaMwari mumhino dzangu, 4 miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera. 5 Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu. 6 […]

Jobho 28

1 “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe. 2 Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura. 3 Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo. 4 Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku. 5 Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi […]

Jobho 29

1 Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti: 2 “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindira naMwari, 3 mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima! 4 Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu, 5 Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza, 6 painyorovedzwa nzira […]

Jobho 30

1 “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, madzibaba avo ndaiashora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu. 2 Ko, simba ramaoko avo rakanga rine basa rei kwandiri, sezvo simba ravo rakanga rapera? 3 Vaiponda nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma mumatongo nomunyika yakaparara. 4 Vakaunganidza miriwo inovava kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga […]