Jobho 31

1 “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva. 2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose? 3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here? 4 Ko, iye haaoni nzira dzangu nokuverenga nhambwe dzangu dzose here? 5 “Kana ndichinge ndofamba nenzira yenhema kana […]

Jobho 32

Erihu 1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. 2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. 3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. 4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho […]

Jobho 33

1 “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva. 2 Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu. 3 Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva. 4 Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu. 5 Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugotarisana neni. 6 Ini ndakangoita […]

Jobho 34

1 Ipapo Erihu akati: 2 “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo. 3 Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya. 4 Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi. 5 “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira. 6 Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, […]

Jobho 35

1 Ipapo Erihu akati: 2 “Munofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndicharuramisirwa naMwari.’ 3 Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko kana nokusatadza.’ 4 “Ndinoda kupindura iwe neshamwari dzako dzaunadzo. 5 Tarira kumusoro kudenga uone; nan’anidza makore akakwirira kumusoro. 6 Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko? Kana zvivi zvako zvakawanda, zvinoita sei kwaari? 7 Kana wakarurama, […]

Jobho 36

1 Erihu akaenderera mberi achiti: 2 “Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari. 3 Ndinowana zivo yangu kure; ndichataura kururama kuMuiti wangu. 4 Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; mumwe akakwana pazivo anemi. 5 “Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye haabvi pane zvaakafunga. 6 Haaregi […]

Jobho 37

1 “Hana yangu inorova nokuda kwezvizvi, uye mwoyo wangu unotomuka uchibva panzvimbo yawo. 2 Teererai! Teererai kutinhira kwenzwi rake, nokuunga kunobva pamuromo wake. 3 Anosunungura mheni yake pasi pedenga rose, agoituma kumigumo yenyika. 4 Shure kwaizvozvo inzwi rokutinhira kwake rinosvika; anotinhira nenzwi roumambo hwake. 5 Inzwi raMwari rinotinhira nenzira dzinoshamisa; iye anoita zvinhu zvikuru zvinopfuura […]

Jobho 38

Jehovha anotaura 1 Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati: 2 “Ndianiko uyo anodzima zano rangu namashoko asina zivo? 3 Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. 4 “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. 5 Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi? 6 Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana […]

Jobho 39

1 “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here? 2 Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here? 3 Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera. 4 Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve. 5 “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo? 6 Ndakaipa renje […]

Jobho 40

1 Jehovha akati kuna Jobho: 2 “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!” 3 Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati: 4 “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu. 5 Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.” 6 Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati: 7 “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, […]