Zvirevo 11

1 Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza. 2 Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa. 3 Unhu hwakanaka hwavakarurama unovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo. 4 Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu. 5 Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo. 6 […]

Zvirevo 12

1 Ani naani anoda kurayirwa anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi. 2 Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa. 3 Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi. 4 Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake. 5 Urongwa hwomunhu […]

Zvirevo 13

1 Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa. 2 Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza. 3 Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa. 4 Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa. 5 Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa […]

Zvirevo 14

1 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake, asi benzi rinoputsa imba yaro namaoko aro. 2 Uyo ano mufambiro wakarurama anotya Jehovha, asi uyo ano mufambiro wakatsauka anomuzvidza. 3 Kutaura kwebenzi kunouyisa shamhu kumusana kwaro, asi miromo yavakachenjera inovadzivirira. 4 Kana pasina nzombe, chidyiro hachina chinhu, asi pasimba renzombe ndipo panobva kukohwa kukuru. 5 Chapupu chechokwadi hachinyengeri, […]

Zvirevo 15

1 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha. 2 Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo, asi muromo webenzi unodurura upenzi. 3 Meso aJehovha ari pose pose, achicherechedza vakaipa navakanaka. 4 Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu, asi rurimi runonyengera runopwanya mweya. 5 Benzi rinoramba kurayira kwababa varo, asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara. 6 […]

Zvirevo 16

1 Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. 2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa. 3 Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira. 4 Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi. 5 Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa. 6 […]

Zvirevo 17

1 Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana. 2 Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama. 3 Hari ndeyokubika sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo. 4 Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza. 5 Uyo […]

Zvirevo 18

1 Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake; anozvidza kutonga kwakanaka kwose. 2 Benzi harifariri kunzwisisa, asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete. 3 Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo, uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo. 4 Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika, asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera. 5 Hazvina kunaka kutsaura akaipa kana kusaruramisira asina mhosva. 6 Miromo yebenzi inoriunzira […]

Zvirevo 19

1 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka. 2 Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira. 3 Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha. 4 Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake. 5 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi. 6 Vazhinji […]

Zvirevo 20

1 Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera. 2 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake. 3 Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota. 4 Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana. 5 Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi […]