Zvirevo 31

Zvirevo zvaMambo Remueri 1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake: 2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu, 3 usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo. 4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vabati kukara doro, 5 nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye […]