Zvirevo 21

1 Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura. 2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo. 3 Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro. 4 Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi! 5 Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo. 6 Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva […]

Zvirevo 22

1 Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. 2 Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose. 3 Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambura nokuda kwaizvozvo. 4 Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu. 5 Munzira yowakaipa mune minzwa […]

Zvirevo 23

1 Kana ukagara pakudya pamwe chete nomubati, nyatsocherechedza zviri pamberi pako, 2 uise banga pahuro kana uri munhu wamadyo. 3 Usapanga zvokudya zvake zvinonaka nokuti zvokudya izvozvo zvinonyengera. 4 Usazvionza nokuda kuwana pfuma; iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate. 5 Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda, nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro igobhururuka ichienda kudenga segondo. 6 Usadya zvokudya […]

Zvirevo 24

1 Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo; 2 nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga. 3 Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa; 4 kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha. 5 Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba; 6 nokuti […]

Zvirevo 25

Zvimwe Zvirevo zvaSoromoni 1 Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha: 2 Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo. 3 Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa. 4 Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha; 5 bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe […]

Zvirevo 26

1 Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa, rukudzo haruna kufanira kubenzi. 2 Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita. 3 Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi! 4 Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro. 5 Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, […]

Zvirevo 27

1 Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva. 2 Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe. 3 Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose. 4 Hasha dzinokuvadza uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo? 5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo […]

Zvirevo 28

1 Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba. 2 Kana nyika ikapanduka, inova navatungumiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo. 3 Mubati anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa. 4 Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa. 5 Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha […]

Zvirevo 29

1 Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira. 2 Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera. 3 Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake. 4 Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza. 5 Ani naani anonyengera muvakidzani […]

Zvirevo 30

Zvirevo zvaAguri 1 Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake: Murume uyu akati kuna Itieri, kuna Itieri nokuna Ukari: 2 “Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu; handina kunzwisisa kwomunhu. 3 Handina kudzidza uchenjeri, uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene. 4 Ndiani akakwira kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani […]