VaEfeso 5

1 Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa

2 uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuwira uye sechibayiro kuna Mwari.

3 Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.

4 Uye kufunga kusina maturo, nokutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.

5 Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.

6 Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro paavo vasingateereri.

7 Naizvozvo musashamwaridzana navo.

8 Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza

9 (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)

10 uye muzive zvinofadza Ishe.

11 Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.

12 Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.

13 Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,

14 nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi:

“Muka, iwe muvati,

muka kubva kuvakafa,

Kristu achavhenekera pauri.”

15 Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,

16 muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

17 Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.

18 Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.

19 Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,

20 muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

21 Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu.

Vakadzi naVarume

22 Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.

23 Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.

24 Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.

25 Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo

26 kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,

27 uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.

28 Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.

29 Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,

30 nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.

31 “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.”

32 Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke.

33 Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.

VaEfeso 6

Vana naVabereki

1 Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.

2 “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,

3 “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”

4 Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Varanda naVanatenzi

5 Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.

6 Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo.

7 Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,

8 nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.

9 Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.

Nhumbi dzokurwa nadzwo dzaMwari

10 Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.

12 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.

13 Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.

14 Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,

15 uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.

16 Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.

17 Torai ngowani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.

18 Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.

19 Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi,

20 iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.

Mashoko Okupedzisira

21 Tikiko, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.

22 Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive kuti takaita sei, uye kuti akukurudzirei.

23 Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.

24 Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.

VaGaratia 1

1 Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana navanhu, asi naJesu Kristu uye naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa,

2 nehama dzose dzineni,

Kukereke dziri muGaratia:

3 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive nemi,

4 akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu,

5 ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni.

Hakuna rimwe Vhangeri

6 Ndinoshamiswa kuti munokurumidza kusiya uyo akakudanai nenyasha dzaKristu uye muchitsaukira kune rimwe vhangeri,

7 risati riri vhangeri chairo kana napaduku. Zviri pachena kuti vamwe vanhu vanoda kukukanganisai vachiedza kushandura vhangeri raKristu.

8 Asi kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi!

9 Sezvatakamboreva, tinodarozve zvino tichiti: Kana kuno munhu upi zvake ari kuparidza kwamuri vhangeri kunze kweramakagamuchira, ngaave akatukwa nokusingaperi!

10 Ko, ndiri kuedza kuzviratidza kuvanhu here kana kuti kuna Mwari? Kana kuti ndiri kuedza kufadza vanhu here? Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu.

Pauro akadanwa naMwari

11 Ndinoda kuti muzive, hama, kuti vhangeri randakaparidza harisi chimwe chinhu chakangomuka mumunhu.

12 Handina kurigamuchira kubva kumunhu upi zvake uye handina kuridzidziswa, asi ndakarigamuchira nokuzarurirwa kunobva kuna Jesu Kristu.

13 Nokuti makanzwa zvamararamiro angu akare muchiJudha, kuti ndakatambudza zvikuru sei kereke yaMwari uye ndikaedza kuiparadza.

14 Ndakanga ndichishingaira kwazvo muchiJudha ndichipfuura vaJudha vazhinji vezera rangu uye ndakanga ndichishingairira tsika dzamadzibaba angu.

15 Asi Mwari akanditsaura kubva pakuzvarwa kwangu uye akandidana nenyasha dzake, uye akafadzwa nazvo,

16 kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri kuti ndimuparidze pakati pavaHedheni, handina kutongobvunza munhu,

17 uye handina kuenda kuJerusarema kuti ndinoona vaya vakanga vari vapostori vakanditangira, asi nokukurumidza ndakaenda kuArabhia uye ndikazodzokazve kuDhamasiko pashure.

18 Ipapo shure kwamakore matatu, ndakakwira kuJerusarema kuti ndinozivana naPetro uye ndikandogara naye kwamazuva gumi namashanu.

19 Handina kuona vamwe vavapostori, kunze kwaJakobho munun’una waShe.

20 Ndinotaura chokwadi pamberi paMwari kuti zvandinokunyorerai izvi hadzisi nhema.

21 Pashure ndakaenda kuSiria nokuSirisia.

22 Ndakanga ndisingazikanwi pachiso kukereke dzeJudhea dziri muna Kristu.

23 Vakangonzwa zvakaziviswa bedzi zvokuti, “Munhu uya aititambudza kare ava kuparidza zvino kutenda kuya kwaakanga achiedza kuparadza.”

24 Uye vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.

VaGaratia 2

Pauro anogamuchirwa naVapostori

1 Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito.

2 Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati pavaHedheni. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina.

3 Asi kunyange naTito, akanga aneni, haana kumanikidzwa kuti adzingiswe, kunyange zvazvo akanga ari muGiriki.

4 Nyaya iyi yakamutswa nokuda kwedzimwe hama dzenhema dzakanga dzapinda munzvimbo dzedu kuti vazosora rusununguko rwatinarwo muna Kristu Jesu uye kuti vagotiita nhapwa.

5 Hatina kuvapa mukana napaduku, kuitira kuti chokwadi chevhangeri chigare mamuri.

6 Kana vari vaya vanonzi vanoremekedzwa, hazvinei kuti vakanga vakadii kwandiri hazvina mutsauko; Mwari haatongi nezvinoonekwa zvokunze, varume ivavo havana chavakawedzera pashoko rangu.

7 Zvisinei hazvo, vakaona kuti ndakapiwa basa rokuparidza vhangeri kuvaHedheni, sezvakaitwawo Petro kuvaJudha.

8 Nokuti Mwari, iye akanga achishanda muushumiri hwaPetro somupostori kuvaJudha, akanga achishandawo muushumiri hwangu somupostori kuvaHedheni.

9 Jakobho, Petro, naJohani, ivo vainzi mbiru, vakandimbunda ini naBhanabhasi noruoko rworudyi rwokuwadzana pavakaona nyasha dzandakanga ndapiwa. Vakabvuma kuti tinofanira kuenda kuvaHedheni, uye ivo vaende kuvaJudha.

10 Zvavakangokumbira zvakanga zviri zvokuti isu tirambe tichirangarira varombo, chinova ndicho chinhu chandaidisa kuita.

Pauro anotsoropodza Petro

11 Petro akati asvika kuAndioki, ndakamutsoropodza pachena, nokuti akanga akanganisa zviri pachena.

12 Vamwe varume vakabva kuna Jakobho vasati vasvika, akanga achimbodya navaHedheni. Asi pavakasvika, akatanga kusuduruka uye akazvitsaura kubva kuvaHedheni nokuti akanga achitya vaya vakanga vari veboka rokudzingiswa.

13 Vamwe vaJudha vakabatana naye pakunyengera kwake, zvokuti nokunyengera kwavo, naBhanabhasi akanga atsauswawo.

14 Ndakati ndaona kuti vakanga vasingafambi muchokwadi chevhangeri, ndakati kuna Petro pamberi pavo vose, “Iwe uri muJudha, asi unoda kurarama somuHedheni, kwete somuJudha. Seiko, zvino, uchimanikidza vaHedheni kuti vatevere tsika dzechiJudha?

15 “Isu tiri vaJudha pakuzvarwa uye hatisi vatadzi ve‘chiHedheni’

16 uye tinoziva kuti munhu haashayirwi mhosva nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tishayirwe mhosva nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu achashayirwa mhosva nokuchengeta murayiro.

17 “Kana tichitsvaka kuti tishayirwe mhosva muna Kristu, zvikazoonekwa kuti isu pachedu tiri vatadzi, zvinoreva here kuti Kristu anosimudzira chivi? Kwete napaduku!

18 Kana ndikavakazve chandakamboputsa, ndinoratidza kuti ndiri mudariki womurayiro.

19 Nokuti kubudikidza nomurayiro ndakafa kumurayiro kuitira kuti ndiraramire Mwari.

20 Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

21 Handikonesi nyasha dzaMwari, nokuti kana kururama kuchigona kuwanikwa nomurayiro, Kristu akafira pasina!”

VaGaratia 3

Kutenda kana Kuchengeta Murayiro

1 Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo.

2 Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa?

3 Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here?

4 Makatambudzika zvakadai pasina here, dai zvakanga zviri pasina?

5 Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?

6 Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.”

7 Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama.

8 Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa vaHedheni nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.”

9 Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda.

10 Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.”

11 Zviri pachena kuti hapana munhu anoshayirwa mhosva nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”

12 Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.”

13 Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”

14 Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kuvaHedheni kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya.

Murayiro neChipikirwa

15 Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pana izvozvi.

16 Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu.

17 Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa.

18 Nokuti kana nhaka ichiwanikwa nokuda kwomurayiro, naizvozvo haichawanikwi nokuda kwechipikirwa; asi Mwari nenyasha dzake akaipa kuna Abhurahama kubudikidza nechipikirwa.

19 Zvino, chinangwa chomurayiro chakanga chiri cheiko? Wakawedzerwa nokuda kwokudarika kusvikira Mwana akanga achirehwa nechivimbiso asvika. Murayiro wakashanda kubudikidza navatumwa uye nomurevereri.

20 Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe.

21 Naizvozvo, murayiro unopikisana nechipikirwa chaMwari here? Kwete napaduku! Nokuti kana murayiro wakapiwa wakanga uchigona kupa upenyu, ipapo zvirokwazvo kururama kwaizouyawo nomurayiro.

22 Asi Rugwaro runotaura kuti nyika yose yakapfigirwa nechivi, kuitira kuti chiya chakavimbiswa, chiri chakapiwa kubudikidza nokutenda kuna Jesu Kristu, chipiwe kuna avo vanotenda.

23 Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa.

24 Saka murayiro wakaiswa kuti utitungamirire kuna Kristu kuitira kuti tigoshayirwa mhosva nokutenda.

25 Zvino kutenda zvakwasvika, hatichisiri pasi pomurayiro.

Vanakomana vaMwari

26 Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu,

27 nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makazvifukidza naKristu.

28 Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.

29 Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.

VaGaratia 4

1 Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose.

2 Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake.

3 Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika.

4 Asi nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro,

5 kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.

6 Nokuda kwokuti muri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo yedu, Mweya anodana achiti, “Abha, Baba.”

7 Saka hauchisiri nhapwa, asi mwanakomana; uye sezvo uri mwanakomana, Mwari akakuitawo mudyi wenhaka.

Shungu dzaPauro pamusoro pavaGaratia

8 Kare, pamakanga musingazivi Mwari, makanga muri nhapwa kuna avo vakanga vasiri vamwari chaivo.

9 Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti munozivikanwa naMwari, seiko mava kudzokera kune zvokuvamba zvisina simba uye zvinonzwisa urombo? Munodazve kuitwa nhapwa nazvo here?

10 Muri kucherechedza mazuva akasarudzika uye mwedzi nemwaka namakore!

11 Ndinotya nokuda kwenyu, zvokuti ndinenge ndakatambisa simba rangu pamusoro penyu.

12 Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kunditadzira.

13 Sezvamunoziva imi, kuti nokuda kwourwere ndakatanga kuparidza vhangeri kwamuri.

14 Kunyange zvazvo kurwara kwangu kwaiva muedzo kwamuri, hamuna kundisema kana kundimhura. Asi, makandigamuchira sokunge ndaiva mutumwa waMwari, sokunge ndakanga ndiri Jesu Kristu chaiye.

15 Ko, chii chakaitika kumufaro wenyu wose uya? Ndinogona kupupura kuti dai makanga maita izvozvo, maidai makatumbura meso enyu makaapa kwandiri.

16 Zvino ndava muvengi wenyu zvandakuudzai chokwadi here?

17 Vanhu ivavo vanoshingaira kuti vakubatei, asi pazvinhu zvisina kunaka. Zvavanoda ndezvokukutsausai kubva kwatiri, kuitira kuti imi mugovashingairira.

18 Zvakanaka kwazvo kushingaira, kana chinangwa chacho chakanaka, uye kuti muite izvozvo nguva dzose kwete kana ndinemi bedzi.

19 Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,

20 ndaida sei kuti ndive nemi zvino uye ndishandure inzwi rangu, nokuti ndiri kukanganisika nokuda kwenyu.

Hagari naSara

21 Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomurayiro, hamuzivi here zvinoreva murayiro?

22 Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahama akanga ana vanakomana vaviri, mumwe nomukadzi woutapwa uye mumwe nomukadzi akasununguka.

23 Mwanakomana wake womukadzi mutapwa akaberekwa nenzira yenyama; asi mwanakomana wake womukadzi akasununguka akaberekwa nokuda kwechipikirwa.

24 Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari.

25 Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo.

26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.

27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

“Fara iwe mukadzi asingabereki,

asingabereki vana;

iwe usingarwadziwi nokubereka;

nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”

28 Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.

29 Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.

30 Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”

31 Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.

VaGaratia 5

Kusununguka muna Kristu

1 Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, uye murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.

2 Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku.

3 Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose.

4 Imi munoedza kushayirwa mhosva nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha.

5 Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya.

6 Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.

7 Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi?

8 Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai.

9 Mbiriso shoma inovirisa bundu rose rakakanyiwa.

10 Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka, yake angava ani zvake.

11 Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa.

12 Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.

13 Imi, hama dzangu, makadanirwa kusununguka. Asi regai kushandisa kusununguka kwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

14 Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.”

15 Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadza mumwe nomumwe wenyu.

Upenyu noMweya

16 Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo.

17 Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.

18 Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.

19 Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere;

20 kunamata zvifananidzo uye uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka

21 nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

22 Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka,

23 kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

24 Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva.

25 Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya.

26 Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsana mwoyo uye nokugodorana.

VaGaratia 6

Kuita zvakanaka kuna vose

1 Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa.

2 Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.

3 Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera.

4 Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo,

5 nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.

6 Ani naani anogamuchira dzidziso mushoko anofanira kugovana nouno mudzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.

7 Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.

8 Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.

9 Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.

10 Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.

Kwete Kudzingiswa, asi Chisikwa Chitsva

11 Tarirai kukura kwamavara andinoshandisa sezvo ndichikunyorerai imi noruoko rwangu!

12 Avo vanoda kuzviratidza kuti vakanaka nechokunze vanoedza kukumanikidzai kuti mudzingiswe. Vanongoita izvi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.

13 Kunyange naivo vakadzingiswa havateereri murayiro, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vagozvikudza pamusoro penyama yenyu.

14 Ini ngandirege kutongozvikudza kunze kwomumuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu, uyo kubudikidza nawo nyika yakarovererwa kwandiri, uye ini kunyika.

15 Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvirevi chinhu; chinokosha ndiko kuva chisikwa chitsva.

16 Rugare nengoni kuna avo vanotevera murayiro uyu, kunyange kuIsraeri yaMwari.

17 Pakupedzisira, ngakurege kuva nomunhu anonditambudza, nokuti ndakatakura mumuviri wangu mavanga aJesu.

18 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.

2 VaKorinde 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu,

Kukereke yaMwari iri muKorinde, pamwe chete navatsvene vose vari muAkaya yose:

2 Nyasha norugare ngazvive kwamuri zvichiva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

Mwari woKunyaradza Kwose

3 Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose,

4 ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

5 Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu paupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.

6 Kana tichitambudzika, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu noruponeso rwenyu, kana tichinyaradzwa, zvinoitirwa kunyaradzwa kwenyu, kunobereka mamuri kutsungirira pamatambudziko iwayo atinotambudzika nawo.

7 Uye tariro yedu kwamuri yakasimba, nokuti tinoziva kuti sezvamunogoverana nesu mumatambudziko edu, saizvozvowo muchagoverana nesu mukunyaradzwa kwedu.

8 Hatidi kuti murege kuziva, hama, pamusoro pamatambudziko akatiwira tiri mudunhu reEzhia. Takaremerwa kwazvo, kupfuura zvatagona kutsunga, zvokuti takademba kufa.

9 Zvirokwazvo mumwoyo medu takanzwa kuti takanga tatongerwa rufu. Asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nesimba redu asi naMwari, anomutsa vakafa.

10 Akatidzikinura padambudziko guru rorufu rakadai, uye achatidzikinura. Paari ndipo pane tariro yedu kuti acharamba achitidzikinura,

11 imi muchitibatsirawo neminyengetero yenyu. Ipapo vazhinji vachavonga pamusoro pedu nokuda kwenyasha zhinji dzatichapiwa pakupindurwa kweminyengetero yavazhinji.

Pauro anoshandura urongwa hwake

12 Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari.

13 Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti,

14 sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu.

15 Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri.

16 Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea.

17 Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.”

18 Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.”

19 Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.”

20 Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.

21 Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza,

22 akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.

23 Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi.

24 Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.

2 VaKorinde 2

1 Saka ndakati mumwoyo mangu handingaitizve rumwe rwendo kwamuri runokutambudzai.

2 Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko achasara kuti andifadze kunze kwenyu imi vandinochemedza?

3 Ndakanyora nenzira iyi kuitira kuti kana ndasvika ndirege kutsamwiswa navaya vaifanira kundifadza. Ndakanga ndine tariro mamuri mose, kuti muchagoverana neni mumufaro wangu.

4 Nokuti ndakakunyorerai ndino kusuwa kukuru, nokurwadziwa mumwoyo uye nemisodzi mizhinji, kwete kuti ndikuchemedzei asi kuti ndikuzivisei udzamu hworudo rwangu kwamuri.

Kuregererwa kwoMutadzi

5 Kana mumwe akauyisa kuchema, haana kuchemedza ini sokuchemedza kwaakaita imi mose, ndisingatauri mashoko akawanda.

6 Kurova uku kwavanhu vazhinji kwakamuringana.

7 Asi zvino, munofanira kumuregerera nokumunyaradza, kuitira kuti arege kuodzwa mwoyo kwazvo neshungu dzakanyanya.

8 Ndinokukurudzirai, naizvozvo, kuti mumutsiridze rudo rwenyu kwaari.

9 Chikonzero chakaita kuti ndikunyorerei chaiva chokuti ndione kana makanga muchigona kumira nokuteerera muzvinhu zvose.

10 Kana muchiregerera munhu upi zvake neniwo ndinomuregerera. Uye zvandakaregerera, kana pane chinhu chandingaregerera, ndakaregerera pamberi paKristu nokuda kwenyu,

11 kuitira kuti Satani arege kutinyengera. Nokuti mano ake tinoaziva.

Vashumiri veSungano Itsva

12 Zvino pandakaenda kuTroasi kundoparidza vhangeri raKristu uye ndikaona kuti Ishe akanga andizarurira musuo,

13 ndakanga ndisina rugare mumwoyo mangu, nokuti handina kuwanako Tito hama yangu. Saka ndakaonekana navo ndikaenda kuMasedhonia.

14 Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose munhuwi woruzivo rwake.

15 Nokuti isu tiri munhuwi wakanaka waKristu kuna Mwari pakati paavo vari kuponeswa navari kuparara.

16 Kuno mumwe tiri munhuwi worufu; kuno mumwewo tiri munhuwi woupenyu. Zvino ndianiko angakwanisa basa rakadai?

17 Nokuti hatina kufanana navazhinji vanokanganisa shoko raMwari vachida kuwana mugove kubva pariri. Asi, tinotaura muna Kristu nokutendeka pamberi paMwari, savanhu vakatumwa naMwari.