Dhuteronomi 29

Kuvandudzwa kweSungano

1 Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhu.

2 Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose.

3 Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru.

4 Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa.

5 Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka.

6 Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

7 Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda.

8 Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo.

9 Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita.

10 Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri,

11 pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu nokukuchererai mvura.

12 Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko,

13 kuti akusimbisei nhasi sorudzi rwake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho.

14 Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete,

15 imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi.

16 Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano.

17 Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe.

18 Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro.

19 Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma.

20 Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga.

21 Jehovha achamunanga nenjodzi iye oga pakati pamarudzi ose eIsraeri, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro.

22 Vana venyu ivo marudzi achazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha.

23 Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesuferi, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimu, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa.

24 Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?”

25 Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti.

26 Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa.

27 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri.

28 Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.”

29 Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.

Dhuteronomi 30

Kubudirira mushure mokudzokera kuna Jehovha

1 Kana kuropafadzwa nokutukwa uku kwose kwandaisa pamberi penyu kwakuwirai uye mazviisa pamwoyo kwose kwamunoparadzirwa naJehovha Mwari wenyu pakati pendudzi,

2 uye kana iwe navana vako ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako ukamutereera nomwoyo wako wose nomweya wako wose maererano nezvose zvandakurayirai nhasi,

3 ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu agokunzwirai tsitsi nokukuunganidzai kubva kundudzi dzose kwaakakuparadzirai.

4 Kunyange dai manga makarasirwa kunyika iri kure kwazvo pasi pedenga, kubva ikoko Jehovha Mwari wenyu achakuunganidzai uye agokudzosai.

5 Achakudzosai kunyika yamadzibaba enyu, uye muchaitora igova yenyu. Achakuitai kuti munyanyobudirira uye muwande kupfuura madzibaba enyu.

6 Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama.

7 Jehovha Mwari wenyu achaisa kutukwa uku kwose pamusoro pavavengi venyu vanokuvengai nokukutambudzai.

8 Muchateererazve Jehovha nokutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.

9 Ipapo Jehovha Mwari wako achakupfumisa zvikuru mumabasa ose amaoko ako nechibereko chomuviri wako, nezvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvibereko zvevhu rako. Jehovha achafadzwazve newe agokupfumisa, sokufadzwa kwaakaitwa namadzibaba ako,

10 kana ukateerera Jehovha Mwari wako nokuchengeta mirayiro yake nemitemo yake yakanyorwa mubhuku iri roMurayiro uye ukadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.

Kusarudza Upenyu kana Rufu

11 Zvino zvandiri kukurayirai nhasi hazvina kunyanya kukuomerai kana kuva kure nemi.

12 Hauzi kudenga, zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani achatikwirira kudenga kundoutora agotiparidzira kuti tiuite?”

13 Kana kuti uri mhiri kwegungwa zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani angatiyambukira mhiri kundotitorera kuti atiparidzire kuti tiuite.”

14 Kwete, shoko riri pedyo newe kwazvo; riri mumuromo mako nomumwoyo mako kuti uriite.

15 Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa.

16 Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama nokuwanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.

17 Asi kana mwoyo wako ukatsauka uye kana usingateereri, uye kana ukakwezvwa kuti undopfugamira vamwe vamwari nokuvanamata,

18 ndinokuudza nhasi kuti uchaparadzwa zvirokwazvo. Haungararami kwenguva refu munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mupinde mugoitora.

19 Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama.

20 Uye ugoda Jehovha Mwari wako, unzwe inzwi rake, nokubatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, naIsaka naJakobho.

Dhuteronomi 31

Joshua anotevera Mozisi pakutungamirira

1 Ipapo Mozisi akaenda akandotaura mashoko aya kuvaIsraeri vose achiti:

2 “Zvino ndava namakore zana namakumi maviri uye handichagoni kukutungamirirai. Jehovha akati kwandiri, ‘Iwe haufaniri kuyambuka Jorodhani urwu.’

3 Jehovha Mwari wenyu pachake ndiye achayambuka ari pamberi penyu. Achaparadza ndudzi idzi dzose pamberi penyu, mugotora nyika yavo. Joshua ndiye achayambuka ari pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.

4 Zvino Jehovha achavaitira ivo zvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, vaakaparadza pamwe chete nenyika yavo.

5 Jehovha achavaisa kwamuri, uye munofanira kuvaitira zvose zvandakakurayirai.

6 Simbai mutsunge mwoyo. Musatya kana kuvhundutswa nokuda kwavo, nokuti Jehovha Mwari wenyu achaenda nemi; haangakusiyei kana kukurasai.”

7 Ipapo Mozisi akadana Joshua akati kwaari, pamberi pavaIsraeri vose, “Simba utsunge mwoyo, nokuti unofanira kuenda navanhu ava munyika iyo Jehovha akapika kumadzitateguru avo kuti achavapa, uye unofanira kuigovera kwavari senhaka.

8 Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo.”

Kuverengwa kwoMurayiro

9 Saka Mozisi akanyora murayiro uyu akaupa kuvaprista, vanakomana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, uye nokuvakuru vose veIsraeri.

10 Ipapo Mozisi akavarayira, akati, “Panopera makore manomwe nguva dzose, mugore rokukanganwira zvikwereti, panguva yoMutambo waMatumba,

11 vaIsraeri vose pavanouya kuzozviratidza pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza, muchaverenga murayiro uyu pamberi pavo vachinzwa.

12 Unganidzai vanhu, varume, vakadzi navana uye navatorwa vagere mumaguta enyu, kuti vanzwe uye vazive kutya Jehovha Mwari wenyu nokutevera zvakanaka mashoko ose omurayiro uyu.

13 Vana vavo, vasingazivi murayiro uyu, vanofanira kuunzwa uye vagodzidza kutya Jehovha Mwari wenyu panguva yose yamuchagara munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”

Kumukira kwavaIsraeri kunoziviswa

14 Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino zuva rokufa kwako rava pedyo. Dana Joshua mugondomira muTende Rokusangana kuti ndimurayire.” Saka Mozisi naJoshua vakauya vakazviratidza paTende Rokusangana.

15 Ipapo Jehovha akazviratidza paTende mushongwe yegore, uye gore rikamira pamusuo weTende.

16 Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, “Uchavata namadzibaba ako, uye vanhu ava, zvino zvino, vachaita ufeve navamwari vavatorwa venyika yavari kupinda. Vachandirasa uye vachaputsa sungano yandakaita navo.

17 Pazuva iroro ndichavatsamwira ndigovarasa: ndichavanza chiso changu kubva kwavari, uye vachaparadzwa. Njodzi namatambudziko mazhinji zvichavawira uye pazuva iro vachabvunza vachiti, ‘Ko, hatina kuwirwa nenjodzi idzi nokuti Mwari wedu haasi pakati pedu here?’

18 Zvino ndichaviga chiso changu zvirokwazvo nezuva iro nokuda kwezvakaipa zvavo zvose zvokutsaukira kuna vamwe vamwari.

19 “Zvino zvinyorerei rwiyo urwu mugorudzidzisa kuvaIsraeri uye mugovaita kuti varuimbe, kuitira kuti chigova chapupu kwandiri pamusoro pavo.

20 Kana ndichinge ndavauyisa munyika inoerera mukaka nouchi, nyika iyo yandakavimbisa nemhiko kumadzitateguru avo, uye kana vachinge vadya vaguta uye vakora, vachatsaukira kuna vamwe vamwari vagovanamata, vachindiramba uye vachiputsa sungano yangu.

21 Zvino kana njodzi namatambudziko mazhinji zvavawira, rwiyo urwu ruchavapupurira pamusoro pavo, nokuti haruzombokanganwikwi nezvizvarwa zvavo. Ini ndinoziva zvavachazoita, kunyange ndisati ndavauyisa munyika yandakavavimbisa nemhiko.”

22 Saka Mozisi akanyora rwiyo urwu nomusi uyu uye akarudzidzisa kuvaIsraeri.

23 Jehovha akapa murayiro uyu kuna Joshua mwanakomana waNuni akati, “Simba utsunge mwoyo, nokuti uchauyisa vaIsraeri munyika yandakavavimbisa nemhiko, uye ini pachangu ndichava newe.”

24 Mushure mokunge Mozisi apedza kunyora mubhuku mashoko omurayiro uyu kubva pokutanga kusvikira pokupedzisira,

25 akapa murayiro uyu kuvaRevhi vaitakura areka yesungano yaJehovha achiti,

26 “Torai Bhuku iri roMurayiro muriise parutivi peareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu. Ipapo richagara sechapupu pamusoro penyu.

27 Nokuti ndinoziva kuti vanomukira sei uye kuti mitsipa yavo mikukutu sei. Kana maimukira Jehovha ndichiri mupenyu uye ndiri pakati penyu, ko, kuzoti ndikange ndafa muchamumukira zvakadii!

28 Ndiunganidzirei vakuru vose vamarudzi enyu namachinda enyu ose, kuti nditaure kwavari mashoko vachinzwa uye ndigodana denga nenyika zvivapupurire.

29 Nokuti ndinoziva kuti mushure mokunge ndafa imi muchazvishatisa kwazvo uye muchatsauka kubva panzira yandakakurayirai. Pamazuva anouya, njodzi ichakuwirai nokuti muchaita zvakaipa pamberi paJehovha muchimutsamwisa nokuda kwezvakaitwa namaoko enyu.”

Rwiyo rwaMozisi

30 Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu kubva kumavambo kusvikira kumagumo, ungano yose yeIsraeri ichinzwa:

Dhuteronomi 32

1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.

2 Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro.

3 Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!

4 Iye ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi.

5 Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,

6 Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai?

7 Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira.

8 Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.

9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.

10 Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake,

11 segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro.

12 Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.

13 Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara,

14 noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondohwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.

15 Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.

16 Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.

17 Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

18 Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.

19 Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.

20 “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro,

“tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.

21 Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.

22 Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo.

23 “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.

24 Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.

25 Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhu-ndutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo.

26 Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,

27 asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’ ”

28 Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo.

29 Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!

30 Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?

31 Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu.

32 Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu nokuminda yeGomora. Mazambiringa avo azere nomuchetura, uye masumbu avo azere nokuvava.

33 Waini yavo uturu hwenyoka, uturu hwakaipisisa hwemhakure.

34 “Ko, handina kuchengeta izvi here, uye ndikazvipfigira mumatura angu?

35 Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”

36 Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina.

37 Iye achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko, dombo ravakahwanda mariri,

38 vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa? Ngavasimuke kuti vakubatsirei! Ngavakupei pokuvanda!

39 “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.

40 Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,

41 kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga.

42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiriri vavavengi vangu.”

43 Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.

44 Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.

45 Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,

46 akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.

47 Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”

Kufa kwaMozisi paGomo reNebho

48 Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati,

49 “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo.

50 Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake.

51 Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri.

52 Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”

Dhuteronomi 33

Mozisi Anoropafadza Marudzi

1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.

2 Akati:

“Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake.

3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,

4 murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho.

5 Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri.

6 “Rubheni ngaararame uye arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”

7 Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha:

“Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”

8 Pamusoro paRevhi akati,

“Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha.

9 Iye akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu.

10 Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.

11 Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”

12 Pamusoro paBenjamini akati,

“Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”

13 Pamusoro paJosefa akati,

“Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;

14 nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;

15 nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta.

16 Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.

17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.”

18 Pamusoro paZebhuruni, pakubata kwako,

“Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako.

19 Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.”

20 Pamusoro paGadhi akati,

“Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro.

21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”

22 Pamusoro paDhani akati,

“Dhani mwana weshumba. anokwakuka achibva muBhashani.”

23 Pamusoro paNafutari akati,

“Nafutari azere nenyasha dzaJehovha uye azere kuropafadza kwake: achatora nhaka nechezasi kugungwa.”

24 Pamusoro paAsheri akati, “Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri: ngaadikanwe nehama dzake, uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta.

25 Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako.

26 “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni, iye anotasva denga kuti akubatsire uye namakore muumambo hwake.

27 Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’

28 Naizvozvo Israeri achagara murugare oga; tsime raJakobho rakachengetedzeka munyika yezviyo newaini itsva, ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga.

29 Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsikatsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”

Dhuteronomi 34

Kufa kwaMozisi

1 Ipapo Mozisi akakwira mugomo reNebho kubva pamapani aMoabhu kusvika pamusoro pePisiga, mhiri uchibva kuJeriko. Ipapo Jehovha akamuratidza nyika yose, kubva kuGireadhi kusvika kuDhani.

2 Nafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha zvichibva nechokugungwa rokumavirira,

3 Negevhi uye dunhu rose zvichibvira kuMupata weJeriko. Neguta remichindwe, kusvika kuZoari.

4 Ipapo Jehovha akati kwaari, “Iyi ndiyo nyika yandakavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho pandakati, ‘Ndichaipa kuzvizvarwa zvako.’ Ndakuita kuti uione nameso ako, asi haungayambuki mhiri kuti upinde mairi.”

5 Zvino Mozisi muranda waJehovha akafira ipapo munyika yaMoabhu, sezvakanga zvataurwa naJehovha.

6 Akamuviga muMoabhu, mumipata wakatarisana neBheti Peori, kusvikira nanhasi hapana anoziva pane guva rake.

7 Mozisi akanga ava namakore zana namakumi maviri panguva yaakafa, asi kunyange zvakadaro, meso ake akanga achigere kuonera madzerere uye simba rake rakanga richigere kuderera.

8 VaIsraeri vakachema Mozisi pamapani eMoabhu kwamazuva makumi matatu, kusvikira mazuva okuchema nokuungudza apera.

9 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akanga azere nomweya wouchenjeri nokuti Mozisi akanga aisa maoko ake pamusoro pake. Saka naizvozvo vaIsraeri vakamuteerera uye vakaita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

10 Kubva ipapo hakuna kuzomukazve muprofita muIsraeri akafanana naMozisi, uyo akazivana naJehovha chiso nechiso,

11 uyo akaita zviratidzo nezvishamiso zvaakatumwa naJehovha kuti aite muIjipiti, kuna Faro nokumachinda ake nokunyika yake yose.

12 Nokuti hapanazve mumwe akaratidza simba guru kana akaitazve mabasa anotyisa seayo akaitwa naMozisi pamberi pavaIsraeri vose.

Numeri 1

Kuverengwa kwaVanhu

1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,

2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.

3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.

4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake.

5 Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;

6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;

7 kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;

8 kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;

9 kubva kwaZebhuruni, Eriabhu mwanakomana waHeroni;

10 kubva kuvanakomana vaJosefa:

kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;

kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;

11 kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;

12 kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;

13 kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;

14 kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;

15 kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”

16 Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, ivo vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.

17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,

18 vakaunganidza ungano yose pamwe chete nezuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,

19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:

20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.

21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitatu, namazana mashanu.

22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

27 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.

28 Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo.

29 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.

30 Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

31 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

32 Kubva kuvanakomana vaJosefa:

Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

33 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

34 Kubva kuzvizvarwa zvaManase:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

35 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

36 Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba uye zvemhuri dzavo.

37 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

38 Kubva kuzvizvarwa zvaDhani:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye zvemhuri dzavo.

39 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

40 Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.

41 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.

42 Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari:

Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.

43 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

44 Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake.

45 VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo.

46 Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu anamakumi mashanu.

47 Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe.

48 Jehovha akanga ati kuna Mozisi:

49 “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri.

50 Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo.

51 Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.

52 VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake.

53 Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”

54 VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Numeri 2

Urongwa hweMisasa yaMarudzi

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:

2 “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.”

3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi.

4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.

5 Rudzi rwaIsakari ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vaIsakari ndiNetaneri mwanakomana waZuari.

6 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.

7 Rudzi rwaZebhuruni ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni.

8 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.

9 Varume vose vanodiwa kumusasa waJudha maererano namapoka avo, vanokwana zviuru zana namakumi masere nezvitanhatu, namazana mana. Ava ndivo vachatanga kusimuka.

10 Kurutivi rwezasi kuchava namapoka emisasa yaRubheni ichange iri pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaRubheni ndiErizuri mwanakomana waShedheuri.

11 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.

12 Rudzi rwaSimeoni ruchavaka misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni ndiSharumiri mwanakomana waZurishadhai.

13 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.

14 Rudzi rwaGadhi ndirwo ruchatevera. Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye mutungamiri wavanhu vokwaGadhi.

15 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.

16 Varume vose vakadanwa kumusasa waRubheni maererano namapoka avo, vaisvika zviuru zana namakumi mashanu nerimwe chete, namazana mana namakumi mashanu. Ndivo vachava vechipiri pakusimuka.

17 Ipapo Tende Rokusangana nomusasa wavaRevhi zvichasimuka pakati pemisasa. Vachasimuka zvimwe chetezvo zvavanoita pakumisa misasa, mumwe nomumwe panzvimbo yake, pasi pomureza wake.

18 Nechokumavirira kuchava namapoka emisasa yaEfuremu ari pasi pemireza yawo. Mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu ndiErishama mwanakomana waAmihudhi.

19 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.

20 Rudzi rwaManase ndirwo ruchavatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaManase ndiGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

21 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.

22 Rudzi rwaBhenjamini ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini ndiAbhidhani mwanakomana waGidheoni.

23 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.

24 Varume vose vakadanwa kumusasa waEfuremu, maererano namapoka avo, vanosvika zviuru zana nezvisere, nezana rimwe chete. Vachava vechitatu pakusimuka.

25 Nechokumusoro kuchava namapoka emisasa yaDhani, pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vokwaDhani ndiAbhiezeri mwanakomana waAmishadhai.

26 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.

27 Rudzi rwaAsheri ruchadzika misasa pedyo navo. Mutungamiri wavanhu vokwaAsheri ndiPagieri mwanakomana waOkerani.

28 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mana nechimwe chete namazana mashanu.

29 Rudzi rwaNafutari ndirwo ruchatevera. Mutungamiri wavanhu vokwaNefutari ndiAhira mwanakomana waEnoni.

30 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.

31 Varume vose vakadanwa kumusasa waDhani vanosvika zviuru zana namakumi mashanu nezvinomwe, namazana matanhatu. Ndivo vachava vokupedzisira pakusimuka, vari pasi pemireza yavo.

32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo. Vose vakanga vari mumisasa, namapoka avo vanosvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.

33 Kunyange zvakadaro, vaRevhi havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri, sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naJehovha.

34 Saizvozvo vaIsraeri vakaita zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha; ndiyo nzira yavakamisa nayo misasa yavo pasi pemireza yavo, uye ndiyo nzira yavakasimuka nayo, mumwe nomumwe neimba yake nemhuri yake.

Numeri 3

VaRevhi

1 Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai.

2 Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari.

3 Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista.

4 Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi pamberi pake muRenje reSinai. Vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari chete ndivo vakashumira sevaprista, Aroni baba vavo vachiri vapenyu.

5 Jehovha akati kuna Mozisi,

6 “Uyisa rudzi rwaRevhi ugovaisa pamberi paAroni muprista kuti vagomubatsira.

7 Vanofanira kuita mabasa ake uye vagoshandira ungano yose paTende Rokusangana nokubata basa retabhenakeri.

8 Vanofanira kuchengeta midziyo yose yeTende roKusangana, vazadzise mabasa avaIsraeri pakuita kwavo basa retabhenakeri.

9 VaRevhi uvape kuna Aroni navanakomana vake; ndivo vaIsraeri vanofanira kupiwa kwaari zvachose.

10 Ugadze Aroni navanakomana vake kuti vagoshumira savaprista; ani zvake mumwewo anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”

11 Jehovha akatizve kuna Mozisi,

12 “Ndakatora vaRevhi kubva pakati pavaIsraeri pachinzvimbo chedangwe romukomana rinoberekwa nomukadzi wose weIsraeri. VaRevhi ndevangu,

13 nokuti matangwe ose ndeangu. Pandakauraya matangwe muIjipiti, ndakazvitsaurira dangwe rimwe nerimwe muIsraeri, angava munhu kana mhuka. Zvinofanira kuva zvangu. Ndini Jehovha.”

14 Jehovha akati kuna Mozisi ari murenje reSinai,

15 “Verenga vaRevhi nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo. Uverenge vanhurume vose vane mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa.”

16 Saka Mozisi akavaverenga. Sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

17 Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati naMerari.

18 Aya ndiwo aiva mazita edzimba dzavaGerishoni: Ribhini naShimei.

19 Dzimba dzavaKohati: Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri.

20 Dzimba dzavaMerari: Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo.

21 Kuna Gerishoni ndiko kwaiva nedzimba dzavaRibhini navaShimei; ndivo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni.

22 Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvinomwe, namazana mashanu.

23 Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.

24 Mutungamiri wemhuri yavaGerishoni akanga ari Erisafi mwanakomana waRaeri.

25 VaGerishoni ndivo vaifanira kuchengeta tabhenekari netende, zvifukidzo zvaro, chidzitiro chapamukova wokuTende Rokusangana,

26 zvidzitiro zvaparuvazhe, chidzitiro chapamukova wokupinda paruvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, uye netambo, nezvinhu zvose zvaishandiswapo.

27 Kuna Kohati ndiko kwaiva nedzimba dzavaAmirami, vaIsraeri, vaHebhuroni navaUzieri; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaKohati.

28 Kuwanda kwavanhu vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa kwaisvika zviuru zvisere namazana matanhatu. VaKohati ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

29 VaKohati vaifanira kudzika matende avo nechezasi kwetabhenakeri.

30 Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaKohati aka nga ari Erizafani mwanakomana waUzieri.

31 Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta areka, tafura, chigadziko chomwenje, aritari, midziyo yomunzvimbo tsvene yaishandiswa pakushumira, chidzitiro, uye zvose zvaidiwa pakushandisa.

32 Mutungamiri mukuru wavaRevhi akanga ari Ereazari mwanakomana waAroni, muprista. Ndiye akagadzwa kuti ave pamusoro paavo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene.

33 Kuna Merari ndiko kwaiva nedzimba dzavaMari navaMushi; ava ndivo vakanga vari vedzimba dzavaMerari.

34 Kuwanda kwavanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete, kana kupfuura, pakuberekwa avo vakaverengwa, vakanga vachisvika zviuru zvitanhatu, namazana maviri.

35 Mutungamiri wemhuri yedzimba dzavaMerari akanga ari Zurieri mwanakomana waAbhihairi; uye ndivo vaifanira kuvaka misasa yavo nechokumusoro kwetabhenakeri.

36 VaMerari vakanga vagadzwa kuti vave vachengeti vamatende etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru, hwaro, nhumbi dzayo dzose, nezvinhu zvose zvaishandiswa pamwe chete nazvo,

37 pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende netambo dzadzo.

38 Mozisi naAroni navanakomana vake vaifanira kudzika misasa yavo nechokumabvazuva kwetabhenakeri, kwakatarisana nokumabudazuva, mberi kweTende Rokusangana. Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene vakamirira vaIsraeri. Ani zvake mumwewo aiswedera panzvimbo tsvene aifanira kuurayiwa.

39 Kuwanda kwavaRevhi vakaverengwa pakurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi naAroni maererano nedzimba dzavo, zvichisanganisira vanhurume vose vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri.

40 Jehovha akati kuna Mozisi, “Verenga matangwe ose avanhurume avaIsraeri ano mwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa ugonyora mazita avo.

41 Unditorere vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose avaIsraeri, uye nezvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvibereko zvokutanga zvose zvezvipfuwo zvavana vavaIsraeri. Ndini Jehovha.”

42 Saka Mozisi akaverenga matangwe ose avaIsraeri, sezvaakarayirwa naJehovha.

43 Kuwanda kwamatangwe avanhurume vaiva nomwedzi mumwe kana kupfuura pakuberekwa vakanyorwa mazita avo, kwaisvika zviuru makumi maviri nezviviri, namazana maviri namakumi manomwe navatatu.

44 Jehovha akatizve kuna Mozisi,

45 “Tora vaRevhi pachinzvimbo chamatangwe ose eIsraeri, uye zvipfuwo zvavaRevhi pachinzvimbo chezvipfuwo zvavo. VaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha.

46 Kuti udzikinure mazana maviri namakumi manomwe navatatu vamatangwe avaIsraeri,

47 unofanira kutora mashekeri mashanua kubva kuno mumwe nomumwe wavo maererano namashekeri enzvimbo tsvene, anorema magera makumi maviri.

48 Upe mari yokudzikinurwa kwavaIsraeri vakapfuura uwandu kuna Aroni navanakomana vake.”

49 Saka Mozisi akatora mari yedzikinuro kubva kuna vakanga vapfuurira uwandu hwavaya vakanga vadzikinurwa navaRevhi.

50 Kubva kumatangwe eIsraeri akatora sirivha yairema chiuru chimwe, namazana matatu namakumi matanhatu namashanu amashekerib, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.

51 Mozisi akapa mari yedzikinuro kuna Aroni navanakomana vake, sezvaakanga arayirwa neshoko raJehovha.

Numeri 4

VaKohati

1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni:

2 “Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

3 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.

4 “Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvenetsvene.

5 Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda vagobvisa chidzitiro vagofukidza areka yeChipupuriro nacho.

6 Ipapo vanofanira kuchifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagowarira mucheka webhuruu pamusoro pacho uye vagoisa matanda panzvimbo yawo.

7 “Pamusoro petafura yoKuvapo, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoisa pamusoro pawo ndiro, madhishi uye mbiya, nemikombe yezvipiriso zvinonwiwa; chingwa chamazuva ose chinofanira kuramba chiri pamusoro payo.

8 Pamusoro pezvinhu izvi, vanofanira kuwarira mucheka mutsvuku, vagoifukidza namatehwe emhou dzomugungwa, vagoisa matanda acho panzvimbo yawo.

9 “Vanofanira kutora mucheka webhuruu vagofukidza chigadziko chomwenje wokuvhenekesa, pamwe chete nemwenje yacho netambo netireya dzacho nemidziyo yacho yose yamafuta anoshandiswa pakuvhenekesa.

10 Ipapo vanofanira kuchiputira pamwe chete nezvimwe zvacho muchifukidzo chamatehwe emhou dzomugungwa vagochiisa pamatanda okutakurisa nawo.

11 “Pamusoro pearitari yegoridhe, vanofanira kuwarira mucheka webhuruu vagoufukidza namatehwe emhou dzomugungwa vagopinza matanda panzvimbo yawo.

12 “Vanofanira kutora midziyo yose inoshandiswa pakushumira munzvimbo tsvene, vagoiputira mumucheka webhuruu, vagofukidza izvozvo namatehwe emhou dzegungwa uye vagozviisa pamatanda okutakurisa nawo.

13 “Vanofanira kubvisa madota paaritari yendarira vagowarira mucheka wepepuru pamusoro payo.

14 Ipapo vanofanira kuisa pamusoro payo midziyo yose inoshandiswa pakushumira paaritari kusanganisira namakango, forogo dzenyama, foshoro nembiya dzokusasa. Vanofanira kuwarira chifukidzo chamatehwe emhou dzegungwa pamusoro payo, vagopinza matanda ayo panzvimbo yawo.

15 “Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana.

16 “Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.”

17 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

18 “Uone kuti rudzi rwavaKohati haruna kuparadzwa kubva pakati pavaRevhi.

19 Kuti vararame uye varege kufa pavanoswedera pedyo nezvinhu zvitsvene, uvaitire izvi: Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda munzvimbo tsvene vagorayira murume mumwe nomumwe basa rake nezvaanofanira kuita.

20 Asi vaKohati havafaniri kupinda kundotarisa zvinhu zvitsvene, kana kwechinguva, kuti varege kufa.”

VaGerishoni

21 Jehovha akati kuna Mozisi,

22 “Verengawo vaGerishoni nemhuri dzavo uye nedzimba dzavo.

23 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana.

24 “Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni pavanoshanda vachitakura mitoro.

25 Vanofanira kutakura zvidzitiro zvetabhenakeri, Tende Rokusangana zvifukidzo zvaro uye zvifukidzo zvokunze zvamatehwe emhou dzegungwa, chidzitiro chapamukova wokupinda kuTende Rokusangana,

26 zvidzitiro zvaparuvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, chidzitiro chapamukova, tambo nemidziyo yose inoshandiswa pakushumira. VaGerishoni vanofanira kuita zvose zvinofanira kuitwa pakushandisa zvinhu izvi.

27 Mabasa avo ose kungava kutakura kana kuita rimwe basa, zvinofanira kuitwa nokurayira kwaAroni navanakomana vake. Muchavatuma sebasa ravo zvose zvavanofanira kutakura.

28 Ndiro basa redzimba dzavaGerishoni paTende Rokusangana. Vanofanira kurayirwa pamabasa avo naItamari mwanakomana waAroni muprista.

VaMerari

29 “Verenga vaMerari nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

30 Verenga varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa muTende Rokusangana.

31 Iri ndiro basa ravo pavanoshanda paTende Rokusangana: kutakura matanda etabhenakeri, mbariro dzayo, mbiru nehwaro,

32 pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende, tambo, midziyo yavo yose uye nezvose zvinoshandiswa pamwe chete nazvo. Govera murume mumwe nomumwe zvinhu zvaanofanira kutakura.

33 Uhu ndihwo ushumiri hwedzimba dzavaMerari pakushanda kwavo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.”

Kuverengwa kwedzimba dzavaRevhi

34 Mozisi, Aroni navatungamiri veungano vakaverenga vaKohati nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

35 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana,

36 vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana manomwe namakumi mashanu.

37 Uku ndiko kwaiva kuwanda kwavose vedzimba dzavaKohati vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.

38 VaGerishoni vakaverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo.

39 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu, vakauya kuzoshanda pabasa romuTende Rokusangana,

40 vachiverengwa nedzimba dzavo nemhuri dzavo, vaisvika zviuru zviviri, namazana matanhatu namakumi matatu.

41 Ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vakanga vari vedzimba dzavaGerishoni vaishanda muTende Rokusangana. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha.

42 VaMerari vakaverengwa nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

43 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa muTende Rokusangana,

44 vachiverengwa nedzimba dzavo, vaisvika zviuru zvitatu, namazana maviri.

45 Uku ndiko kwakanga kuri kuwanda kwaavo vaiva mudzimba dzavaMerari. Mozisi naAroni vakavaverenga maererano nokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi.

46 Saka Mozisi, Aroni navatungamiri veIsraeri vakaverenga vaRevhi vose nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo.

47 Varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vakauya kuzoshanda basa uye vachitakura Tende Rokusangana,

48 vakasvika zviuru zvisere, mazana mashanu namakumi masere.

49 Mumwe nomumwe akagoverwa basa rake akaudzwa zvokuita sokurayira kwaJehovha kubudikidza naMozisi. Saizvozvo vakaverengwa, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.