Jeremia 49

Chirevo pamusoro paAmoni

1 Pamusoro paAmoni: Zvanzi naJehovha, “Ko, Israeri haana mwanakomana here? Haana vadyi venhaka here? Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi? Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo?

2 Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharidza mhere yehondo pamusoro peRabha ravaAmoni; richaitwa murwi wamatongo, uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto. Ipapo Israeri achadzinga vaya vakanga vamudzinga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

3 Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa! Ridzai mhere, imi vanogara muRabha! pfekai masaga mucheme, mhanyai pano nekoko pakati porusvingo, nokuti Moreki achaenda muutapwa, pamwe chete navaprista vake namachinda ake.

4 Unozvikudzireiko nemipata yako, kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo? Haiwa mwanasikana wokusatendeka, unovimba nepfuma yako uchiti, ‘Ndiani acharwa neni?’

5 Ndichauyisa kutya pamusoro pako kunobva kuna avo vakakupoteredza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure, uye hakuna achaunganidza vatizi.

6 Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Chirevo pamusoro peEdhomu

7 Pamusoro peEdhomu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here? Mano atsakatika here kuna vakangwara? Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?

8 Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika, imi munogara muDhedhani, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau, panguva yandinomuranga.

9 Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mazambiringa mashoma here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangabi zvavanoda chete here?

10 Asi ndichafukura Esau; ndichazarura nzvimbo dzake dzokuwanda, kuitira kuti akoniwe kuzvivanza. Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa, uye iye haachazovipozve.

11 Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”

12 Zvanzi naJehovha, “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho.

13 Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”

14 Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kundoti, “Unganai kuti murwe naro! Simukai murwe!”

15 “Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi, anozvidzwa pakati pavanhu.

16 Kutyisa kwaunoita, nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera, iwe unogara mumikaha yematombo, ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo. Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakukoromora kubva ipapo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

17 Edhomu richava chinhu chinotyisa, vose vachapfuura napo vachashamiswa, uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose.

18 Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora, pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saka hakuna munhu achazogarako; hakuna munhu achagara mariri.

19 “Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo. Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi? Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni? Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”

20 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu, zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani: Achakwekweredza vaduku vemapoka; achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo.

21 Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo; kuchema kwavo kuchanzwikawo kusvikira kuGungwa Dzvuku.

22 Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba, rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu ichafanana nomwoyo womukadzi worwadziwa.

Chirevo pamusoro peDhamasiko

23 Pamusoro peDhamasiko: “Hamati neAripadhi avhundutswa, nokuti agamuchira mashoko akaipa. Aora mwoyo, atambudzika segungwa risina zororo.

24 Dhamasiko harichina simba, rakatendeuka kuti ritize, kuvhunduka kukaribata; kugomera nokurwadziwa zvakaribata, kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.

25 Guta rembiri harina kusiyiwa seiko, iro guta randinofarira?

26 Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa; varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

27 Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko; uchaparadza nhare dzose dzaBheniHadhadhi.”

Chirevo pamusoro peKedhari neHazori

28 Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi: Zvanzi naJehovha: “Simukai, murwise Kedhari uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.

29 Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa; matumba avo achatorwa achiendwa nawo, nemidziyo yavo yose nengamera. Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti, ‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’

30 “Tizirai kure nokukurumidza! Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu; aronga zano pamusoro penyu.

31 “Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo, rugere zvarwo rusina hanya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “irwo rudzi rusina masuo kana mazariro; vanhu varwo vanogara voga zvavo.

32 Ngamera dzavo dzichapambwa, uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa. Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure, uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

33 “Hazori richava ugaro hwamakava, dongo nokusingaperi. Hapana achagarako; hakuna munhu achagara mariri.”

Chirevo pamusoro peEramu

34 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti:

35 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu, iwo musimboti wesimba ravo.

36 Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina, kubva kumativi mana ematenga; ndichavaparadzira kumhepo ina uye hakungavi norudzi rumwe kusingaendwi navavakidzani veEramu.

37 Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo, pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa njodzi pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kunotyisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavapedza.

38 Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

39 “Asi ndichadzosa nhaka yeEramu mumazuva okupedzisira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Jeremia 50

Chirevo pamusoro peBhabhironi

1 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi, achiti,

2 “Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi, simudzai mureza uye paridzai; musasiya kana chinhu, asi muti, ‘Bhabhironi richakundwa; Bheri richanyadziswa, Merodhaki richazara nokutya. Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswa uye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’

3 Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa, uye ruchaparadza nyika yaro. Hakuna munhu achagaramo; zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure.

4 “Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.

5 Vachabvunza nzira inoenda kuZioni, vagotendeutsira zviso zvavo kwairi. Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha, nesungano isingaperi isingakanganikwi.

6 “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.

7 Ani naani akavawana akavadya; vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’

8 “Tizai mubude muBhabhironi; siyai nyika yavaBhabhironi, mugoita sembudzi inotungamirira makwai.

9 Nokuti ndichamutsira Bhabhironi nokuisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata.

10 Naizvozvo Bhabhironi richapambwa; vose vanoripamba vachawana mugove wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11 “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa, iyemi munopamba nhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza,

12 mai venyu vachanyadziswa kwazvo; ivo vakakuberekai vachanyadziswa. Vachava mudiki pandudzi, renje, nenyika yakaoma, uye gwenga.

13 Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi, asi richava dongo chose. Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa, uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose.

14 “Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi, imi mose munowembura uta. Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha.

15 Pururudzai pamusoro pake kumativi ose! Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka. Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha, tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe.

16 Bvisai mudyari muBhabhironi, nomucheki nejeko rake pakukohwa. Nokuda kwomunondo womumanikidzi mumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake, mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake.

17 “Israeri makwai akapararira akadzingirwa kure neshumba. Akatanga kumudya akanga ari mambo weAsiria; akapedzisira kupwanya mapfupa ake ndiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.”

18 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.

19 Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake, uye achafura paKarimeri nepaBhashani; achadya akaguta pazvikomo zveEfuremu neGireadhi.

20 Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.

21 “Rwisai nyika yeMarataimi neavo vagere muPekodhi. Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Muite zvose zvandakurayirai.

22 Mheremhere yehondo iri munyika, mheremhere yokuparadza kukuru!

23 Yavhunika nokupwanyika seiko nyundo yenyika yose! Bhabhironi rava dongo seiko pakati pendudzi!

24 Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi, uye wakabatwa usati wazviziva; wakawanikwa ukapambwa nokuti wakapikisana naJehovha,

25 Jehovha akazarura dura rezvombo ndokubudisa zvombo zvehasha dzake, nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.

26 Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.

27 Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo.

28 Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi, vanoparidza muZioni kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei, kutsivira temberi yake.

29 “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi, vose vanowembura uta. Rikombei rose; ngakurege kuva nounopukunyuka. Riripirei nokuda kwamabasa avo; riitireiwo sezvarakaita. Nokuti vakamhura Jehovha, Iye Mutsvene weIsraeri.

30 Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa; varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

31 “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako.

32 Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.”

33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa, navanhu veJudha vakamanikidzwawo, vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba, vanoramba kuvaregedza kuti vaende.

34 Asi mudzikinuri wavo ane simba; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Achavareverera nhaka yavo nesimba kuti azorodze nyika yavo, asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.

35 “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pamusoro peavo vagere muBhabhironi, napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!

36 Munondo pamusoro pavaprofita varo venhema! Vachava mapenzi. Munondo pamusoro pemhare dzaro! Vachazadzwa nokutya.

37 Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro, napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro! Vachava vakadzi. Munondo pamusoro pepfuma yaro! Ichapambwa.

38 Mvura yaro zhinji ngaipwe! Ichaoma. Nokuti inyika yezvifananidzo, zvifananidzo zvichapenga nokutya.

39 “Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako, uye zizi richagara imomo. Haichazogarwizve, uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

40 Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo hakuna achagarako; hakuna munhu achagara mairi.

41 “Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro; rudzi rukuru namadzimambo mazhinji ari kumutswa kubva kumagumo enyika.

42 Vakapakata uta namapfumo; vano utsinye uye havana tsitsi. Vanotinhira segungwa vakatasva mabhiza avo; vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa, kuti vakurwise, iwe mwanasikana weBhabhironi.

43 Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo, maoko ake akapera simba. Kutya kwakamubata, kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.

44 Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndianiko achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”

45 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure; achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.

46 Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera; kuchema kwayo kuchanzwika pakati pamarudzi.

Jeremia 51

1 Zvanzi naJehovha,

“Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai.

2 Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi kundoriridza nokuparadza nyika yaro; vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro.

3 Musarega mupfuri achiwembura uta hwake, kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa. Regai kunzwira majaya aro tsitsi; paradzai hondo yaro zvachose.

4 Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi, vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti havazorarami.

5 Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa naMwari wavo, iye Jehovha Wamasimba Ose, kunyange nyika yavo yakazara nemhaka pamberi poMutsvene waIsraeri.

6 “Tizai mubve muBhabhironi! Mhanyai noupenyu hwenyu! Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro. Inguva yokutsiva kwaJehovha; iye achariripira zvarinokodzera.

7 Bhabhironi akanga ari mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha; akadhakisa nyika yose. Ndudzi dzakanwa waini yaro; naizvozvo dzava kupenga.

8 Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka. Ungudzai pamusoro paro! Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro, zvimwe ringaporeswa.

9 “ ‘Taida kuporesa Bhabhironi, asi haringaporeswi; ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake, nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga, kunokwira kusvikira kumakore.’

10 “ ‘Jehovha haana kuti tine mhosva; uyai, tiparidze muZioni zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’

11 “Regai miseve, torai nhoo! Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia, nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi. Jehovha achatsiva, kutsivira temberi yake.

12 Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi! simbisai varindi, isai nharirire panzvimbo dzavo, gadzirirai vanovandira. Jehovha achaita zvaakaronga, zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi.

13 Imi mugere pedyo nemvura zhinji uye makapfuma kwazvo, magumo enyu asvika, nguva yokuti muparadzwe.

14 Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti: Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu, uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai.

15 “Akaita nyika nesimba rake; akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake, akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.

16 Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira; anokwidza makore kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe chete nemvura, uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

17 “Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.

18 Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa; kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.

19 Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, pamwe chete norudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

20 “Ndiwe tsvimbo yangu yehondo, chombo changu chokurwa, newe ndinoparadza ndudzi, newe ndinoparadza umambo,

21 newe ndinoparadza bhiza nomutasvi, newe ndinoparadza ngoro nomuchairi,

22 newe ndinoparadza murume nomukadzi, newe ndinoparadza mutana nejaya, newe ndinoparadza jaya nomurandakadzi,

23 newe ndinoparadza mufudzi neboka, newe ndinoparadza murimi nenzombe, newe ndinoparadza vatongi namachinda.

24 “Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

25 “Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza, iwe unoparadza nyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndikurwise, ndigokukungurusira kumawere, ndigokuita gomo rakatsva.

26 Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona, kana dombo remhepo, nokuti uchaparadzwa nokusingaperi,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

27 “Simudzai mureza munyika! Ridzai hwamanda pakati pendudzi! Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye; kokai ushe uhu kuzorwa naye: Ararati, Mini neAshikenazi. Gadzai mukuru wehondo arwe naye; tumirai mabhiza akaita sechimokoto chemhashu.

28 Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye, madzimambo avaMedhia, vabati vavo namachinda avo ose, nenyika dzose dzavanotonga.

29 Nyika inodedera uye yomonyoroka, nokuti zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi hazvingatongokoni, zvokuparadza nyika yeBhabhironi kuti pasava nomunhu achagaramo.

30 Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa; vakarambira munhare dzavo. Simba ravo rapera; vaita savakadzi. Ugaro hwake hwakapiswa nomoto; mazariro amasuo ake avhunika.

31 Anotumwa namagwaro achatevera mumwe, uye nhume ichatevera nhume, kundozivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rose rapambwa,

32 mazambuko abatwa, mapani apiswa nomoto, uye varwi vavhundutswa.”

33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro panguva yokupura; nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.”

34 “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya, akatinyonganisa, akatiita chirongo chisina chinhu. Akatimedza senyoka, uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu, ipapo akatisvisvina.

35 Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,” ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni. Jerusarema rinoti, “Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.”

36 Naizvozvo, zvanzi naJehovha, “Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu nokukutsivirai; ndichapwisa gungwa raro uye ndichapwisa matsime aro.

37 Bhabhironi richava murwi wamatombo, ugaro hwamakava, chinhu chinotyisa nechinosekesa, nzvimbo isina anogaramo.

38 Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki, vanobhon’a sembwanana dzeshumba.

39 Asi kana vamutswa, ndichavagadzirira mutambo ndigovadhakisa, kuitira kuti varidze mhere yokuseka, vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

40 “Ndichavaburutsa pasi semakwayana ari kundourayiwa, semakondohwe nembudzi.

41 “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei, kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa! Bhabhironi rava dongo sei pakati pendudzi!

42 Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi; mafunga aro anovirima acharifukidza.

43 Maguta aro achaparadzwa, achava nyika yakaoma negwenga, nyika isingagarwi nomunhu, isina angapfuura nemairi.

44 Ndicharanga Bheri muBhabhironi ndigomuita kuti asvipe zvaakanga amedza. Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari. Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.

45 “Budai mariri, imi vanhu vangu! Tizai noupenyu hwenyu! Tizai mubve pakutsamwa kwaJehovha kunotyisa.

46 Regai kuora mwoyo kana kutya panotekeshera, runyerekupe munyika; rumwe runyerekupe runonzwika gore rino, rumwe gore rinouya, runyerekupe rwokurwisana munyika uye rwomutongi achirwa nomumwe mutongi.

47 Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro.

48 Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vachabva nechokumusoro vaparadzi vacharirwisa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

49 “Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri, sezvakaita vakaurayiwa venyika yose vakawa nokuda kweBhabhironi.

50 Imi makapunyuka pamunondo, endai uye musamira-mira! Murangarire Jehovha munyika iri kure, uye murangarire Jerusarema.”

51 Takanyadziswa, nokuti takatukwa uye kunyara kwakafukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”

52 “Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatonga zvifananidzo zvaro, uye munyika yake yose vakakuvara vachagomera.

53 Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga, uye rikasimbisa nhare yaro yakareba, ndichatumira vaparadzi kuzorirwisa,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

54 “Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi, inzwi rokuparadza kukuru rinobva kunyika yavaBhabhironi.

55 Jehovha achaparadza Bhabhironi; achanyaradza ruzha rwokunyongana kwaro. Mafungu avavengi achaomba semvura zhinji; kutinhira kwamanzwi avo kuchanzwika.

56 Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi; varwi varo vachabatwa, uye uta hwavo huchavhunwa. Nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva; achatsiva zvizere.

57 Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe, vabati, namachinda uye navarwi vakewo; vachavata nokusingaperi uye havangamuki,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.

58 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Masvingo makobvu eBhabhironi achaparadzwa, uye masuo aro akakwirira achapiswa; vanhu vanongozvinetsa pasina, mabasa endudzi ihuni dzomurazvo bedzi.”

59 Iri ndiro shoko rakapiwa naJeremia kumuchinda Seraya mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, paakaenda kuBhabhironi naZedhekia mambo weJudha mugore rechina rokutonga kwake.

60 Jeremia akanga anyora murugwaro pamusoro penjodzi dzose dzaizouya pamusoro peBhabhironi, zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro peBhabhironi.

61 Akati kuna Seraya, “Paunosvika kuBhabhironi, uone kuti waverenga mashoko ose aya uchidanidzirisa.

62 Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’

63 Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi.

64 Ipapo uti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura rikasazomukazve nokuda kwenjodzi yandichauyisa pamusoro paro. Uye vanhu varo vachawa.’ ”

Mashoko aJeremia anogumira pano.

Jeremia 52

Kuwa kweJerusarema

1 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhuna.

2 Iye akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi.

3 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

4 Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza.

5 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

6 Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye.

7 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

8 Asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira,

9 uye iye akabatwa. Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.

10 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha.

11 Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga namatare akamuendesa kuBhabhironi, uko kwaakamuisa mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.

12 Pazuva regumi romwedzi wechishanu, mugore regumi namapfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo, uyo akashandira mambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

13 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Dzimba dzose dzaikosha akadzipisa.

14 Hondo yose yavaBhabhironi yaiva pasi pemukuru wavarindi vamambo yakaputsira pasi masvingo ose aikomberedza Jerusarema.

15 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vamwe vakanga vari varombo chaivo navaya vakasara muguta, pamwe chete noruzhinji rwemhizha navaya vakanga vazvipira kuna mambo weBhabhironi.

16 Asi Nebhuzaradhani akasiya ruzhinji rwavarombo chaivo venyika iyo kuti vashande muminda yemizambiringa uye nemimwewo minda.

17 VaBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nezvingoro zvinofamba neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira yose vakaenda nayo kuBhabhironi.

18 Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nomukombe namadhishi nemidziyo yose yendarira yaishandiswa pabasa romutemberi.

19 Mukuru wavarindi vamambo akatakurawo mbiya, nezvaenga, nemikombe nehari, nezvigadziko zvemwenje, namadhishi nemikombe yaishandiswa pazvipiriso zvokunwa, zvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe yakanatswa kana sirivha.

20 Ndarira yaibva pambiru mbiri, neGungwa, nehando dzendarira gumi nembiri dzaiva pasi pacho, nezvingoro zvakanga zvaitirwa temberi yaJehovha namambo Soromoni, zvakanga zvisingagoni kuyerwa.

21 Mbiru imwe neimwe yakanga ina makubhiti gumi namaserea pakureba uye makubhiti gumi namavirib pakupoterera; paukobvu imwe neimwe yaisvika minwe mina uye yaiva nemhango.

22 Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanuc uye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo.

23 Pakanga pane matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu kumativi; uwandu hwamatamba aiva pamusoro pezvakarukwa zvakanga zvakapoteredzwa hwaiva zana.

24 Mukuru wavarindi akatora vasungwa vaiti, Seraya muprista mukuru, naZefania muprista aimutevera pachigaro uye navarindi vokumukova vatatu.

25 Kuna avo vaiva muguta akatora muchinda mukuru wavarwi, uye vapi vamazano vanomwe. Akatorawo munyori uyo akanga ari mubati mukuru aiva nebasa rokunyora mazita avanhu venyika uye navamwe varume makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

26 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavauyisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

27 Ipapo paRibhira, munyika yeHamati, mambo akaita kuti vaurayiwe. Saka vaJudha vakaenda kuutapwa, kure nenyika yavo.

28 Uhu ndihwo uwandu hwavanhu vakatorwa naNebhukadhinezari achienda navo kuutapwa: mugore rechinomwe, zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu, zvavaJudha;

29 mugore regumi namasere raNebhukadhinezari, mazana masere namakumi matatu navaviri avanhu vaibva kuJerusarema;

30 mugore rake ramakumi maviri namatatu, vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo. Vose vaiva zviuru zvina namazana matanhatu pamwe chete.

Jehoyakini anosunungurwa

31 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri.

32 Akataura zvakanaka kwaari uye akamupa chigaro chaikudzwa kupfuura zvigaro zvamamwe madzimambo vaakanga anavo muBhabhironi.

33 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa akadya patafura yamambo nguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake.

34 Zuva nezuva mambo weBhabhironi akapa Jehoyakini mugove wenguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake, kusvikira pazuva rokufa kwake.

Isaya 1

1 Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUziya naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.

Rudzi Runomukira

2 Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira.

3 Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.”

4 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira.

5 Mucharambireiko muchingorohwa? Munorambireiko muchimukira Jehovha? Musoro wenyu wose wakuvadzwa, mwoyo wenyu wose warwadziwa.

6 Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro wako hapana pakukutu, anongova maronda nokurwadziwa namavanga akazaruka, asina kusukwa kana kusungwa kana kuzorwa mafuta.

7 Nyika yenyu yaparadzwa, Maguta enyu apiswa nomoto; minda yenyu iri kutorwa navatorwa pamberi penyu chaipo, nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.

8 Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, seimba mumunda wamanwiwa, seguta rakakombwa.

9 Dai Jehovha Wamasimba Ose asina kutisiyira vakapukunyuka, tingadai takafanana neSodhomu, tingadai takaita seGomora.

10 Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhomu; teererai kumurayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora!

11 “Zvibayiro zvenyu zvizhinji, zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa, zvamakondohwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; Handifadzwi neropa renzombe, ramakwayana nerembudzi.

12 Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?

13 Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.

14 Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.

15 Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa;

16 shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa,

17 dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.

18 “Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.

19 Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika;

20 asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.

21 Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi!

22 Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura.

23 Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.

24 Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu.

25 Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose.

26 Ndichadzosera vatongi vako samazuva akare, namachinda ako samazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.”

27 Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama.

28 Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.

29 “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza.

30 Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura.

31 Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”

Isaya 2

Gomo raJehovha

1 Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema:

2 Mumazuva okupedzisira, gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa, richava guru pakati pamakomo; richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo, uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri.

3 Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva kuJerusarema.

4 Iye achatonga pakati pendudzi nokupedzera marudzi mazhinji gakava. Vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa.

5 Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha.

Zuva raJehovha

6 Nokuti makasiya vanhu venyu, ivo imba yaJakobho. Vakazara nezvinamato zvokuMabvazuva; vanoita zvokuvuka kufanana navaFiristia, vachibatana maoko navahedheni.

7 Nyika yavo izere nesirivha negoridhe; pfuma yavo haiperi. Nyika yavo izere namabhiza; ngoro dzavo hadziperi.

8 Nyika yavo izere nezvifananidzo; vanopfugamira mabasa amaoko avo, kuzvinhu zvakaitwa neminwe yavo.

9 Naizvozvo munhu achaderedzwa uye marudzi avanhu achaninipiswa, musavakanganwira.

10 Pinda mumapako, uvande muguruva, ubve mukutyisa kwaJehovha nokubwinya kwoumambo hwake!

11 Meso omunhu anozvikudza achaninipiswa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa; asi Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro.

12 Nokuti Jehovha Wamasimba Ose ane zuva raakachengetera avo vose vanozvikudza navanodada, navose vanokudzwa (uye vachaninipiswa),

13 nemisidhari yose yeRebhanoni, yakareba neyakakwirira, nemiouki yose yeBhashani,

14 namakomo ose akakwirira, nezvikomo zvose zvakakwirira,

15 neshongwe dzose dzakakwirira, namasvingo ose akasimba,

16 nezvikepe zvose zveTashishi, nemidziyo yose yakanaka.

17 Kuzvikudza kwomunhu kuchaderedzwa, uye kuzvikudza kwavanhu kuchaninipiswa; Jehovha oga ndiye achakudzwa pazuva iro,

18 uye zvifananidzo zvichapera zvachose.

19 Vanhu vachatizira kumapako amatombo, nokumwena yapasi nokuda kwaJehovha anotyisa, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka achizungunutsa nyika.

20 Pazuva iro vanhu vacharasira kumakonzo nokuzviremwaremwa, zvifananidzo zvavo zvesirivha nezvifananidzo zvegoridhe, zvavakaita kuti vazvinamate.

21 Vachatizira kumapako amatombo nokumikaha yakarembera, nokuda kwokutya Jehovha, uye nokubwinya kwoumambo hwake, paanosimuka kuti azungunutse nyika.

22 Regai kuvimba nomunhu, anongova nokufema mumhino dzake. Anobatsireiko?

Isaya 3

Kutongwa pamusoro peJerusarema neJudha

1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,

2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,

3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, muchinda nomurume wemhizha, nomuvuki anoziva.

4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.

5 Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.

6 Murume achabata mumwe wavanun’una vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”

7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”

8 Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.

9 Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.

10 Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.

11 Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.

12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.

13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.

14 Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.

15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, nokukuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.

16 Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, nokufamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.

17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”

18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, nezvishongo zvomutsipa. zvinon’aima,

19 nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri

20 nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuwira, namazango,

21 nemhete, noukomba hwemhino,

22 nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,

23 nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

24 Pachinzvimbo chezvinonhuwira, pachava nokunhuwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.

25 Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.

26 Masuo eZioni achaungudza nokuchema; nokutambura kwavo, achagara pasi.

Isaya 4

1 Pazuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe vachiti, “Tichadya zvokudya zvedu nokuzvitsvakira zvokufuka; Tinongoda kudanwa nezita rako bedzi. Bvisa kunyadziswa kwedu!”

Davi raJehovha

2 Pazuva iro, davi raJehovha richava rakanaka uye richabwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava chidadiso nokukudzwa kwavakapunyuka muIsraeri.

3 Vaya vakasara muZioni, navakasara muJerusarema, vachanzi vatsvene, navose vakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema.

4 Jehovha achashambidza tsvina yevakadzi veZioni; achanatsa makwapa eropa kubva muJerusarema nomweya wokutonga uye mweya womoto.

5 Ipapo Jehovha achasika pamusoro pegomo rose reZioni napamusoro pavose vanoungana ikoko gore routsi masikati nezhenje romoto unopfuta usiku; pamusoro pokubwinya kwose pachava nechidzitiro.

6 Chichava chifukidzo nomumvuri kubva pakupisa kwezuva, noutiziro, nenzvimbo yokuvanda kubva padutu nemvura inonaya.

Isaya 5

Rwiyo rwoMunda weMizambiringa

1 Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera.

2 Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete.

3 “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu.

4 Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga?

5 Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, iwo ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, uye uchatsikwatsikwa.

6 Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”

7 Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.

Nhamo noKutongwa

8 Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba uye munobatanidza munda nomunda, kusvikira pasisina nzvimbo yasara uye mugogara moga munyika.

9 Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati, “Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo.

10 Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe chetea rewaini, uye homerib rembeu richabereka efac imwe chete rezviyo.”

11 Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini.

12 Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake.

13 Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota.

14 Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo.

15 Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa.

16 Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.

17 Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.

18 Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,

19 kuna vanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.”

20 Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.

21 Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.

22 Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,

23 vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.

24 Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapepereswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.

25 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa.

Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.

26 Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika!

27 Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa, hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata; hapana kana bhanire richasunungurwa pachiuno, hapana kana rukanda rweshangu rwakadambuka.

28 Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara, mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri.

29 Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira.

30 Pazuva iro vachaomba pamusoro payo, sokutinhirwa kwegungwa. Uye kana mumwe akatarisa panyika, achaona rima nokutambudzika; kunyange chiedza chichasvibiswa namakore.

Isaya 6

Kutumwa kwaIsaya

1 Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi.

2 Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka.

3 Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti:

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”

4 Nomutinhiro wamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo zvakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi.

5 Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.”

6 Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari.

7 Yakagunzva muromo wangu nawo ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.”

8 Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?”

Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”

9 Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti,

“ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi; munogara muchiona, asi hamuonesesi.’

10 Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare; ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise uye vatsinzine meso avo. Nokuti vangaona nameso avo, nokunzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakadzoka vakaporeswa.”

11 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?” iye akapindura achiti,

“Kusvikira maguta ava matongo uye pasisina anogaramo, kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu, neminda yaparadzwa zvachose,

12 kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure, uye nyika yasiyiwa zvachose.

13 Uye kunyange kukasara chegumi munyika, naichowo chichaparadzwa. Asi somuterabhiniti nomuouki zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa, saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.”