Jakobho 3

Kudzora Rurimi

1 Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu vanodzidzisa tichatongwa zvikuru.

2 Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.

3 Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo.

4 Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi.

5 Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto.

6 Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.

7 Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira uye nezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu,

8 asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya.

9 Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari.

10 Mumuromo mumwe imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro.

11 Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?

12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.

Mhando Mbiri dzoUchenjeri

13 Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri.

14 Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi.

15 “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori.

16 Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.

17 Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.

18 Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Jakobho 4

Zviisei pasi paMwari

1 Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here?

2 Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari.

3 Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.

4 Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.

5 Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru?

6 Asi unotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti:

“Mwari anodzivisa vanozvikudza,

asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”

7 Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

8 Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

9 Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa.

10 Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

11 Hama dzangu, musarevana. Ani naani anoreva hama yake kana kumutonga anotaura achirwa nomurayiro uye achiutonga. Kana uchitonga murayiro, iwe hauzi kuuchengeta, asi ugere uchitonga uri pauri.

12 Panongova noMupi woMurayiro noMutongi mumwe chete, iye anokwanisa kuponesa kana kuparadza. Asi iwe, ndiwe aniko kuti utonge muvakidzani wako?

Kuzvirumbidza pane Ramangwana

13 Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.”

14 Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika.

15 Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.”

16 Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.

17 Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita uye akasazviita, ari kutadza.

Jakobho 5

Yambiro kuVapfumi

1 Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu.

2 Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi.

3 Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira.

4 Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose.

5 Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya.

6 Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.

Mwoyo Murefu muKutambudzika

7 Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso.

8 Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo.

9 Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo!

10 Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe.

11 Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere nenyasha uye nengoni.

12 Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.

Munyengetero woKutenda

13 Kuno mumwe wenyu anotambudzika here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza.

14 Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera nokumuzodza mafuta muzita raIshe.

15 Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.

16 Naizvozvo reururai zvivi zvenyu kuno mumwe nomumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

17 Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu.

18 Uyezve, akanyengetera, uye denga rikanayisa mvura, uye nyika ikabereka zvibereko zvayo.

19 Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora,

20 murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.

VaHebheru 1

Kristu mukuru kuVatumwa

1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,

2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.

3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.

4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.

5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa,

Mwari waakamboti kwaari:

“Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?”

kana kutizve,

“Ndichava Baba vake,

naiye achava Mwanakomana wangu?”

6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:

“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”

7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti:

“Anoita vatumwa vake mhepo,

varanda vake mirazvo yomoto.”

8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti:

“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,

uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.

9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama;

naizvozvo Mwari, Mwari wenyu,

akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”

10 Anotizve:

“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,

uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.

11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;

zvichasakara zvose senguo.

12 Muchazvipeta sejasi;

senguo zvichashandurwa.

Asi imi munoramba makadaro,

uye makore enyu haatongogumi.”

13 Ndoupi pakati pavatumwa Mwari waakamboti kwaari:

“Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako”?

14 Ko, vatumwa vose havazi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?

VaHebheru 2

Yambiro pamusoro poKusateerera

1 Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka.

2 Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira,

3 ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.

4 Mwariwo akarupupurira nezviratidzo nezvishamiso namabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.

Jesu akaitwa Munhu

5 Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.

6 Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti:

“Ko, munhu chii zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa;

makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa

8 uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”

Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.

9 Asi tinoona Jesu, akaitwa muduku zvishoma kuvatumwa, zvino ashongedzwa korona yokubwinya nokukudzwa nokuti akatambudzika murufu, kuitira kuti nenyasha dzaMwari anzwe rufu nokuda kwavose.

10 Mukuuyisa vanakomana vazhinji pakubwinya, zvakanga zvakafanira kuti Mwari iye akaitirwa zvinhu zvose uye akaita kuti zvinhu zvose zvivepo, aite muvambi woruponeso rwazvo rwakakwana nenzira yokutambudzika.

11 Vose, iye anoita kuti vanhu vave vatsvene uye avo vanoitwa vatsvene ndevemhuri imwe chete. Saka Jesu haana nyadzi kuti avaidze hama.

12 Anoti,

“Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;

pamberi peungano ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai.”

13 Uyezve anoti:

“Ndichavimba naye.”

Uyezve anoti:

“Ndiri pano, navana vandakapiwa naMwari.”

14 Sezvo vana vane ropa nenyama, naiyewo akagovana navo pakuva nyama kwavo, kuitira kuti rufu rwake ruparadze iye ane simba rorufu, iye dhiabhori

15 uye agosunungura vaya vakanga vakasungwa muuranda upenyu hwavo hwose nokutya kwavo rufu.

16 Nokuti zvirokwazvo havasi vatumwa vaakabatsira, asi zvizvarwa zvaAbhurahama.

17 Nokuda kwemhaka iyi aifanira kuitwa sehama dzake nenzira yose, kuitira kuti agova muprista mukuru ane tsitsi uye akatendeka muushumiri kuna Mwari, uye kuti ayananise vanhu nokuda kwezvivi zvavo.

18 Nokuti iye amene akatambudzika paakaedzwa, anokwanisa kubatsira vanoedzwa.

VaHebheru 3

Jesu mukuru kuna Mozisi

1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake.

2 Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari.

3 Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho.

4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.

5 Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.

6 Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu uye netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.

Yambiro pamusoro poKusatenda

7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:

“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira,

panguva yokuedzwa murenje,

9 mandakaedzwa namadzibaba enyu

uye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.

10 Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,

uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,

havana kuziva nzira dzangu.’

11 Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,

‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”

12 Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.

13 Asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchinzi Nhasi, kuitira kuti kusava nomumwe wenyu anoomeswa nokunyengera kwezvivi.

14 Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.

15 Sezvazvakataurwa zvichinzi:

“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

musaomesa mwoyo yenyu

sezvamakaita panguva dzokumukira.”

16 Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?

17 Uye ndivanaaniko vaakatsamwira kwamakore makumi mana? Havazivo here vaya vakatadza, vane mitumbi yakawira murenje?

18 Uye ndivanaaniko vakapikirwa mhiko naMwari kuti havangapindi muzororo rake kana vasiri ivo vaya vasina kuteerera?

19 Saka tinoona kuti havana kukwanisa kupinda, nokuda kwokusatenda kwavo.

VaHebheru 4

Sabata, zororo raVanhu vaMwari

1 Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.

2 Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.

3 Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti:

“Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti,

‘Havazopindi muzororo rangu.’ ”

Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.

4 Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”

5 Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”

6 Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.

7 Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:

“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,

musaomesa mwoyo yenyu.”

8 Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.

9 Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;

10 nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.

11 Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.

12 Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.

13 Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

Jesu Muprista Mukuru

14 Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.

15 Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.

16 Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.

VaHebheru 5

1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.

2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.

3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.

4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.

5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari:

“Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava baba vako.”

6 Uye akati pane imwe nzvimbo,

“Ndiwe muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

7 Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.

8 Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake

9 uye pakarepo akawaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera

10 uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.

Yambiro pamusoro poKutsauka

11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.

12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.

13 Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.

14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.

VaHebheru 6

1 Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi kuti tive vakuru, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,

2 dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, nedzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi.

3 Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.

4 Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,

5 vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya,

6 kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari uye vachimunyadzisa pachena.

7 Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.

8 Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.

9 Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo pamusoro penyu zvinhu zviri nani, zvinhu zvinobatana pamwe chete noruponeso.

10 Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.

11 Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.

12 Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.

Chokwadi cheVimbiso yaMwari

13 Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,

14 achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.”

15 Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa.

16 Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose.

17 Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.

18 Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tisimbiswe zvikuru.

19 Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,

20 makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimirira. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.

VaHebheru 7

Merikizedheki Muprista

1 Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo uye akamuropafadza,

2 uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “Mambo worugare.”

3 Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi.

4 Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba!

5 Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.

6 Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa.

7 Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa noakamupfuura paukuru.

8 Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu.

9 Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama,

10 nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.

Jesu saMerikizedheki

11 Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?

12 Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.

13 Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndoworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.

14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi rwaMozisi haana kureva zvavaprista.

15 Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,

16 uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.

17 Nokuti zvakataurwa zvichinzi:

“Iwe uri muprista nokusingaperi,

worudzi rwaMerikizedheki.”

18 Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo

19 (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.

20 Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,

21 asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari:

“Ishe akapika

uye haangashanduri murangariro wake:

‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’ ”

22 Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.

23 Zvino kwakava navazhinji vavaprista avo, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;

24 asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi.

25 Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.

26 Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.

27 Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Iye akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.

28 Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi.