Zvirevo 1

Mavambo: Chinangwa neDingindira

1 Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:

2 kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere;

3 kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;

4 kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano,

5 vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,

6 kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.

7 Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa

Yambiro pamusoro poUnyengeri

8 Mwanakomana wangu teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

9 Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.

11 Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva;

12 ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;

13 tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;

14 isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”

15 mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;

16 nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.

17 Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!

18 Varume ava vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira ivo pachavo!

19 Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.

Yambiro pamusoro poKuramba Uchenjeri

20 Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara;

21 kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti:

22 “Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?

23 Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.

24 Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,

25 sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu,

26 iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,

27 dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai.

28 “Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani.

29 Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha,

30 sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu,

31 vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo.

32 Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza;

33 asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”

Zvirevo 2

Kunaka kwoUchenjeri

1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri,

2 ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,

3 uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,

4 uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,

5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.

6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.

7 Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,

8 nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.

9 Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.

10 Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.

11 Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.

12 Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,

13 vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,

14 vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,

15 vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.

16 Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,

17 uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.

18 Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.

19 Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.

20 Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.

21 Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;

22 asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

Zvirevo 3

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere

1 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,

2 nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.

3 Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa yomwoyo wako.

4 Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.

5 Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;

6 munzira dzako dzose umutende, uye acharuramisa nzira dzako.

7 Usazviita munhu akachenjera pameso ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.

8 Izvi zvichava utano pamuviri wako nokusimbiswa kwamapfupa ako.

9 Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;

10 ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.

11 Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,

12 nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.

13 Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,

14 nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.

15 Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.

16 Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.

17 Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.

18 Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.

19 Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;

20 noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.

21 Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;

22 zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.

23 Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;

24 paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.

25 Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,

26 nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.

27 Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.

28 Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.

29 Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.

30 Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira.

31 Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,

32 nokuti Jehovha anovenga munhu akarasika, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.

33 Kutuka kwaJehovha kuri paimba yowakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.

34 Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.

35 Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.

Zvirevo 4

Uchenjeri chinhu chikuru

1 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa.

2 Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu.

3 Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,

4 baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama.

5 Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

6 Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.

7 Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

8 Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza.

9 Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.”

10 Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.

11 Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.

12 Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi.

13 Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.

14 Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa.

15 Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi.

16 Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike.

17 Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba.

18 Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru.

19 Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe.

20 Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu.

21 Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako;

22 nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu.

23 Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu.

24 Bvisa nhema pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

25 Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako.

26 Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete.

27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.

Zvirevo 5

Yambiro pamusoro poUpombwe

1 Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru,

2 kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo.

3 Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;

4 asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose.

5 Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva.

6 Haafungi pamusoro penzira youpenyu; nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.

7 Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; musatsauka pane zvandinotaura.

8 Fambai nenzira iri kure naye, musasvika pedyo nomusuo wemba yake,

9 kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu, uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,

10 kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu, uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.

11 Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera, kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.

12 Uchazoti, “Mavengero andaiita kurayirwa! Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!

13 Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu, kana kunzwa varairidzi vangu.

14 Ndasvika pakuparara chaiko pakati peungano yose.”

15 Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo.

16 Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara?

17 Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa.

18 Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.

19 Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake.

20 Unogutsirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?

21 Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.

22 Zviito zvakaipa zvomunhu akaipa zvichamusunga; tambo dzechivi chake dzichamubata iye kwazvo.

23 Achafa nokuda kwokushayiwa kuzvibata kwake, atsauswa noupenzi hwake hukuru.

Zvirevo 6

Yambiro pamusoro poUpenzi

1 Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,

2 kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako,

3 ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!

4 Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.

5 Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.

6 Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!

7 Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,

8 asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.

9 Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?

10 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.

11 Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.

12 Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,

13 anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,

14 anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.

15 Naizvozvo njodzi ichamuwira nokuku-rumidza; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.

16 Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:

17 meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,

18 mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,

19 chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.

Yambiro pamusoro poUpombwe

20 Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

21 Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.

22 Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.

23 Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

24 kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.

25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,

26 nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.

27 Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?

28 Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?

29 Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.

30 Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.

31 Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.

32 Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.

33 Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;

34 nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.

35 Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.

Zvirevo 7

Yambiro pamusoro poMukadzi Chifeve

1 Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri.

2 Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako.

3 Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako.

4 Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu.” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako;

5 zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve; kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko ake.

6 Napawindo remba yangu ndakatarira panze nomumagirazi.

7 Ndakaona pakati pavasina mano ndikacherechedza pakati pamajaya, rimwe jaya rakanga risina njere.

8 Rakanga richidzika nomugwagwa pedyo nepakona yomukadzi uya, richifamba rakananga kumba kwake,

9 panguva yorubvunzavaeni, zuva ravira, kunze kwosviba.

10 Ipapo mukadzi akabuda kuzosangana naye, akapfeka sechifeve uye azere nounyengeri.

11 Anotaura noruzha uye anozvikudza, tsoka dzake hadzigari pamba;

12 imwe nguva ari munzira, imwe nguva ari pazvivara. Anorindira pamakona ose.

13 Akamubata ndokumutsvoda, uye nechiso chisina nyadzi akati:

14 “Ndine zvipiriso zvokuwadzana kumba kwangu; nhasi ndazadzisa mhiko dzangu.

15 Saka ndauya kuzosangana newe; ndanga ndichikutsvaka, zvino ndazokuwana!

16 Ndawaridza mubhedha wangu machira ane mavara, anobva kuIjipiti.

17 Ndasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, zvinoti: mura, gavakava nesinamoni.

18 Uya, tinwe tigute norudo kusvikira mangwanani; ngatifare zvedu norudo!

19 Murume wangu haako kumba, akafamba rwendo rurefu.

20 Akatakura homwe yake izere nemari uye haangadzoki kumba kusvikira pajenaguru.”

21 Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera.

22 Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo,

23 kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa.

24 Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura.

25 Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake.

26 Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo.

27 Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.

Zvirevo 8

Kudana kwoUchenjeri

1 Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?

2 Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;

3 parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,

4 “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.

5 Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.

6 Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.

7 Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.

8 Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.

9 Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo.

10 Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,

11 nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.

12 “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere.

13 Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.

14 Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba.

15 Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;

16 machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika.

17 Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.

18 Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.

19 Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.

20 Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,

21 ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.

22 “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;

23 ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.

24 Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;

25 makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,

26 asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.

27 Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,

28 paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,

29 paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika.

30 Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,

31 ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu.

32 Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.

33 Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakuzvidza.

34 Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu.

35 Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

36 Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”

Zvirevo 9

Kukoka kwoUchenjeri nekwoUpenzi

1 Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.

2 Hwakabika nyama yahwo; uye hukavhenganisa waini yahwo; hwagadzirawo tafura yahwo.

3 Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanhidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.

4 Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno!

5 Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa.

6 Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.

7 “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.

8 Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.

9 Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

10 “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

11 Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.

12 Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”

13 Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo.

14 Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,

15 achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.

16 Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno!

17 Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”

18 Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vashanyi vake vari mukatikati meguva.

Zvirevo 10

Zvirevo zvaSoromoni

1 Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

2 Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu.

3 Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure.

4 Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa.

5 Uyo anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi uyo anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa.

6 Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

7 Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.

8 Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

9 Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.

10 Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

11 Muromo womunhu akururama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

12 Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.

13 Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere.

14 Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara.

15 Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.

16 Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.

17 Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

18 Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.

19 Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

20 Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21 Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.

22 Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

23 Benzi rinofadzwa nokuita zvakaipa, asi munhu anonzwisisa anofarira uchenjeri.

24 Zvinotyiwa nowakaipa ndizvo zvichaitika kwaari; zvinoshuviwa nowakarurama zvichapiwa kwaari.

25 Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.

26 Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.

27 Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa.

28 Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.

29 Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.

30 Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika.

31 Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri, asi rurimi rwakaipa ruchabviswa.

32 Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira, asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.