Mapisarema 101

Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. 2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa. 3 Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri. 4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa. 5 Ani naani […]

Mapisarema 102

Munyengetero womunhu anotambudzika. Paanenge aziya uye odurura kuchema kwake pamberi paJehovha. 1 Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha; kuchemera kwangu rubatsiro ngakusvike kwamuri. 2 Regai kundivanzira chiso chenyu pandinenge ndichitambudzika. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; pandinokudanai, ndipindurei nokukurumidza. 3 Nokuti mazuva angu anopera soutsi; mapfupa angu anopisa samazimbe anopfuta. 4 Mwoyo wangu warohwa uye waoma souswa; ndinokanganwa […]

Mapisarema 103

Pisarema raDhavhidhi. 1 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene. 2 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake, 3 iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose, 4 anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi, 5 anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, […]

Mapisarema 104

1 Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo. 2 Iye anozviputira muchiedza saanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende 3 uye anogadzika matanda edzimba dzake pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo. 4 Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake. 5 Anoteya nyika […]

Mapisarema 105

1 Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi. 2 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. 3 Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare. 4 Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose. 5 Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva, 6 imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa […]

Mapisarema 106

1 Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. 2 Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose? 3 Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama. 4 Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo, 5 kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu […]

Mapisarema 107

1 Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. 2 Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi, 3 avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi. 4 Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara. 5 Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. 6 Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, […]

Mapisarema 108

Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi. 1 Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose. 2 Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza. 3 Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga. 4 Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga; 5 Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve […]

Mapisarema 109

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara, 2 nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo. 3 Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva. 4 Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera. 5 Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu. 6 […]

Mapisarema 110

Pisarema raDhavhidhi 1 Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” 2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako. 3 Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako. 4 Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, […]